Uncategorized

‘Bvunzo dzakafamba zvakanaka’

21 Aug, 2020 - 00:08 0 Views
‘Bvunzo dzakafamba zvakanaka’ Minister Mathema

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
BAZI redzidzo yepuraimari nesekondari riri kupembedza Zimbabwe School Examinations Council (ZIMSEC) nevatsigiri vayo pakubudirira kwavakaita mukufambisa basa rekunyorwa kwebvunzo dzemwedzi waChikumi dzeO- neA-Level.

Gurukota rebazi iri, Ambassador Cain Mathema, vanoti bvunzo idzi — idzo dzakatanga musi wa30 Chikumi kusvika 23 Chikunguru — dzakanyorwa pachitevedzwa zvinodiwa mukurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

“ZIMSEC yakabudirira zvikuru mukugadzira magwaro akashandiswa mukunyora bvunzo ayo akaendeswa kunzvimbo dzekunyorera dzose zvisina dambudziko. Bvunzo idzi dzakanyora pachitevedzwa nemazvo zvakatarwa nebazi rezveutano nekurerwa kwevana pamwe chete nesangano reWorld Health Organisation (WHO) mukudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19,” vanodaro.

Ambassador Mathema vanoti zvose zvaidiwa mukudzivirira Covid-19 semamasiki nesanitizer zvakaendeswa kunzvimbo dzainyorerwa bvunzo kuti vadzidzi vazvishandise.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey