Chabvondoka kuDivision One

03 Mar, 2022 - 10:03 0 Views
Chabvondoka kuDivision One

Kwayedza

Abel Ndooka

ZVIKWATA zvinokwikwidza muNorthern Region Division One zvokurudzirwa kuti zvitambe nhabvu kusvika zvadambuka makumbo sezvo zvichange zviri muTop 8 munaKubvumbi ndizvo zvichanotatsurana mumutambo weAxis Super 8 Tournament.

Mwaka uno, Northern Region iri kuronga mutambo weAxis Super 8 Tournament uyo uchaona zvikwata zvisere zvichapedza zviri muTop 8 zvichizonokwikwidza mumutambo uyu, uyo uchatanga munaChivabvu.

Mutevedzeri wemutungamiri weNorthern Region, Sweeney Mushonga, anoti zvikwata zvose zvinokwanisa kupinda mumutambo uyu uyo unokosha US$20 000.

Mushonga anoti zvikwata zvakawanda zvine mukana wekupinda mumutambo uyu sezvo zvose zviri kutamba nhabvu inonwisa mvura.

“Kutanga munaChivabvu, zvikwata zvinenge zvapedza zviri muTop 8 munaKubvumbi zvichapinda mumutambo weAxis Super 8 uyo unozotanga mwedzi unotevera. Zvikwata zvose zvine mukana wekupinda mumutambo uyu saka tichaona pakupera kwaKubvumbi,” anodaro Mushonga.

 

Anoti pakupera kwemwaka wegore rino, shasha dzeNorthern Region ndidzo dzichapinda muPremier League kwete dzeAxis Super 8.

“Pakupinda muPremier League, shasha dzinopedza dziri pamusoro muNorthern Region ndidzo dzichazoenda kuPremier League kwete dzeAxis Super 8.

“Axis Super 8 iripo pakuti mitambo iwande, vamwe vatambi vagowana mukana wekutambawo uye mitambo igonakidza,” anodaro Mushonga.

Zvakadaro, svondo rino kuchange kusingadanwe anonzwa mumutambo weNorthern Region apo pachasangana Herentals Under-20 neSimba Stars mumutambo wezvikwata zviviri izvi izvo zviri kutungamira pari zvino.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>