Chabvondoka muPSL

27 Mar, 2015 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Abel Ndooka
ZVICHITEVERA kutanga kwakaita mitambo yeligi reCastle Lager Premier Soccer League svondo radarika, Kwayedza svondo rino iri kuita ongororo yekuona kuti zvikwata zvizhinji zvakambotamba sei mumutambo yazvo yechipiri yeligi mwaka wadarika. Svondo rapera, zvimwe zvikwata zvakatanga zvine mutsindo izvo zvinosanganisira shasha yePSL ine mukombe pari zvino Dynamos FC iyo yakahwina mutambo wayo apo yakarakasha Buffaloes 3-0, CAPS United yakahwina 2-1, FC Platinum yakarwa semukono kuita mangange 2-2 neDongo Sawmill mumutambo wainakidza kukunda ngoma kurira.

Harare City yakakatyamadzwawo zvikuru nekukundwa 1-0 pamusha payo neTsholotsho FC uye Highlanders ‘Bosso’ yakarikitwa 2-0 neZPC Kariba.

Chapungu United vs Dynamos
Gore radarika, Dynamos yakatanga zvinogutsa zvichitevera kuhwina kwayakaita mutambo wayo wekutanga apo yakakunda How Mine 1-0 kuBabourfields kuBulawayo. Mumutambo wayo wechipiri, DeMbare yakarikitwa neZPC Kariba 1-0 kuNational Sports Stadium muHarare.
Mugore ra2013 mumutambo wechipiri uyo wakatambirwa kuRufaro Stadium, DeMbare yakaita mangange 1-1 neChicken Inn.

Svondo rino DeMbare iri kunanga kuGweru kunosangana neChapungu United mumutambo wagara unoishungurudza zvikuru.
Gore radarika, DeMbare yakarohwa kuAscot 1-0 mumutambo wekutanga ikazoita mangange 1-1 neChapungu muHarare mumutambo wechipiri.
Nhorondo yezvikwata zviviri izvi inotaura kuti DeMbare inogona kurikitwa kuGweru svondo rino.

CAPS United vs FC Platinum
CAPS United gore rino yatanga zvakanaka nekukunda Whawha 2-1 kusiyana neradarika apo yakaita mangange mutambo wayo wekutanga neZPC Kariba 1-1. Mumutambo wechipiri yakarikita Harare City 2-1 ukuwo FC Platinum yakatanga nekuita mangange 1-1 ikazokundwa mumutambo wechipiri 3-2 neHwange.

Segore radarika, FC Platinum yakatanga nekuita mangange 2-2 neDongo Sawmill uye svondo rino inofanirwa kusunga dzisimbe kuti itore zvibodzwa zvese paKepe-Kepe. Asi izvi zvichange zvisiri nyore nekuti CAPS United yave kutamba nhabvu inodakadza zvikuru.

Tsholotsho vs Highlanders
Tsholotsho yakakatyamadza vatsigiri venhabvu vazhinji nekuhwina mutambo wayo wekutanga weligi apo yakakunda Harare City 1-0 ukuwo Highlanders FC ‘Bosso’ yakakundwa neZPC Kariba.
Gore radarika, Bosso yakakundikana kurova ZPC Kariba mutambo wekutanga uyo wakapera uri mangange 1-1 uye mune wechipiri Bosso ikarikitwa 3-1.

Zvakadaro, mwaka wadarika Bosso yakahwina zvine mutsindo mutambo wayo wechipiri apo yakarikita Shabanie Mine 4-1 kuBabourfields asi svondo rino inofanirwa kukwidziridza masokisi ayo kana ichida kupfuura paTsholotsho iyo yakavhundutsa Harare City.
Tsholotsho ichatopinda mumutambo uyu morari yayo yakasimuka ichida kuhwina mutambo uyu sezvayakaita svondo radarika.

Harare City vs Chicken Inn
Harare City neChicken Inn zvakasangana mumutambo wekutanga weligi wegore radarika, maSunshine City Boys akarakaswa 3-0 zvinopisa tsitsi mumutambo wakatambirwa kuLuveve Stadium kuBulawayo.

Gore rino, zvikwata izvi zviri kusangana mumutambo wechipiri weligi apo Harare City inenge iri pamusha nekudaro zvimwe ichashandisa mukana uyu kutsividza kurikitwa kwayakaitwa mwaka wadarika.
Tichitarisa gore radarika, mitambo yezvikwata zviviri izvi yechipiri yeligi zvese zvakakundwa neCAPS United neBuffaloes.
arare City yakakundwa 2-1 neCAPS United kozoti Chicken Inn yakarakashwa 2-0 neBufafloes.

Hwange vs ZPC Kariba
Saul Chaminuka akazvirakidza kuti achiri nehuturu hwekutadziswa kutora mukombe weligi pazuva rekupedzisira gore radarika nekurakasha kwakaita chikwata chake, ZPC Kariba, Bosso 2-0 svondo radarika.
Svondo rino vari kunanga kuHwange uko vachanosangana neHwange FC kuColliery Stadium.
Chikwata chaChaminuka hachisati chambokundwa neHwange mumitambo yeligi.

Gore radarika, ZPC yakatanga zvinogutsa apo yakaita mangange 1-1 neCAPS United asi mumutambo wechipiri ndokuzokundwa 1-0 neDynamos.
Svondo rino chikwata chaChaminuka chine mukana mukuru wekuenda pamusoro peligi asi hunge chikahwina mutambo wacho.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>