Uncategorized

Chave chigondora chakura

01 May, 2015 - 00:05 0 Views

Kwayedza

ZVAVE namakore akati kuti uchiona vana veZimbabwe vachizadza nhandare nedzimwe nzvimbo kunenge kuchicherechedzwa mazuva akakosha munyika: Independence nezuva ramagamba namauto anochengetedza nyika. Zvimwe chetewo panovigwa magamba kumarinda eHeroes Acre, muHarare.

Vanhu vari kubuda nouwandu hwavo zvokuti vaya vane pfungwa dzokuti chose chaitwa muZimbabwe, vanhu vari kuita vachimanikidzwa, hazvishamisi kuti vanogona kunge vachiri nemafungiro iwayo.

Makare-kare zvainzi vanhu vaiwanda kunhandare nokuti vanenge vachida kuzoona mutambo. Kana varipo vachine pfungwa iyi vakasara zvikuru. Vanhu vari kuenda nouwandu hwavo nokuti vari kuda kuenda kunopemberera nokurangarira.

Independence yegore rino zvakashamisa vakawanda zvakare. Vagari navashanyi muguta reHarare vanoziva kuti musi wa18 April mvura yakanaya yakawanda. Asi, kunaya kwemvura hakuna kumisa vanhu kuenda kuNational Sports Stadium. Kunyange zvazvo vamwe vaitakurwa namabhazi sezvaingoitwa kare, vazhinji vakaenda nemari dzavo, vakanoswerako.

Masumburera akange azere munhandare vanhu vachitevedza zvaiitika. Zvaifadza nokusetsa nokuti pane zvakavanzika panyaya iyi. Munyori uno akazvibvunza kuti pasi pomusuva wesadza reZimbabwe pave nechii chave kuita kuti vanhu vafarire zvokwavo kudai?
Kushaya zvokutandara nazvo here, kana kuti itori nzara nenyota yokutsvaga Zimbabwe?

Kufamba kwenguva kworatidza kuti vanhu vakura papfungwa, vave kuziva zvinoreva rusununguko.
Hongu kune dzimwe ny’any’a dzinongoda kutengesa nyika idzo dzinogara dzakaiswa pamatomhu “nemadzimambo” adzo ekumadokero.

Tinovaziva asi havana chavanoita nokuti Zimbabwe yakasununguka kare.
Nakirwa nerusununguko mwana weZimbabwe!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>