Uncategorized

Chibhorani chava padare ramambo

11 Oct, 2021 - 18:10 0 Views
Chibhorani chava padare ramambo Mvura yakachena

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAMBO Chireya vekuGokwe, kudunhu reMidlands vanoti zvakakosha kuti munhu wose ave nechekuita mukudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 sezvo denda iri risingasarudze warinobata.

Mambo Chireya, VaHenry Chidzivo (48), vakataura mashoko aya svondo rapera zvichitevera kucherwa kwechibhorani nekuisirwa mvura yemupombi pamusha wavo izvo zvava kubatsira kusimudzira nyaya dzeutano munharaunda iyi.
Vanoti dare ravo rainge rakatarisana nedambudziko rekushaya mvura yakachena yekunwa neyekuti vanhu vazvishambidze mushure mekushandisa zvimbuzi izvo zvaivapinza parumananzombe nechirwere cheCovid-19.
“Nguva yose iyi, dare rino raisava nemvura, taitosunga mombe kana madhongi nengoro kana kuenda nemotokari kunochera mvura kuzvibhorani zviri kure. Takazochererwa chibhorani pano tikaisirwa magetsi anodhonza mvura kubva pasi kuendesa mutangi.

“Chionai hutsanana hwose hwakauya takaisirwa mapombi mudzimba nepanze, kusanganisira nemudare rangu zvose nekuzvimbuzi. Munhu wose ane basa guru rekuita panyaya yekurwisa kupararira kwedenda iri sezvo risingasarudze warinobata,” vanodaro Mambo Chireya.

Vanoti dare ravo rinoungana vanhu musi weSvondo woga-woga, kusara kwenguva isingabvumidzwe kuungana nekuda kweCovid-19.

“Tinotonga nyaya dzinodarika makumi mashanu musi weSvondo woga-woga rinova zuva redu rekuenzanisa vanhu mumatare edu. Kureva kuti nyaya imwe chete inounza vanhu vaviri kana vatatu kune vakawanda, zvinoita kuti vanhu vedu vasvike zana. Mamiriro ezvinhu aya zvinoreva kuti panoda hutsanana hwemvura yekunwa neyekushandisa kuzvimbuzi nekugezawo maoko nguva dzose,” vanodaro Mambo Chireya.

VaChenjerai Chireya (40) vanova munyori mudare raMambo Chireya vanoti chibhorani ichi chisati chacherwa, vanhu vaiuya nemvura yavo muzvigubhu.

“Tinotenda nhengo yeParamende yekuno kuGokwe North, Cde Torerai Moyo, ndivo vakaticherera chibhorani pano nekuisa magetsi kubva kuhomwe yeConstituency Development Fund. Pano hatichambotya Covid-19 nekuti zvose tiri kutevedza,” vanodaro.

Mai Ivy Mutanure Chidzivo (24) vanova mudzimai wechitatu waMambo Chireya vanotiwo vakaitirwa zvakanaka pakuwaniswa mvura yakachena pamusha wavo.

“Nguva ino yakaoma nekuda kwedenda reCovid-19 ratinonzwa kuti riri kuraya vanhu munyika muno nekunze, saka rinoda kuti vanhu vaite hutsanana,” vanodaro Mai Chidzivo.

Share This:

Sponsored Links