Uncategorized

Chidhakwa chinodzingira mudzimai nevana panze

07 Oct, 2016 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Tafadzwa Mutsotso

MURUME ane marambadoro, uyo anonzi kana adhakwa nedoro anotukidzira mudzimai wake achimudzingira panze zvose nevana husiku, akazochechuka amiswa mudare redzimhosva.Alice Gava akamhan’arira murume wake, John Gumbo, kuHarare Civil Court achiti apfidza nekushungurudzwa.

“Mambo wangu, ndinokumbirawo mundipe gwaro redziviriro, ndanzwa nekutukwa nababa ava. Vanonwa hwahwa zvekuti vanenge vasingachazive zvavari. Vanondituka nemamwe mashoko asingaite pamberi pevana,” akadaro. Gava akaenderera mberi achiti: “Anosvika pamba achiimba zvekuti chero nevana vanomuka, haazvitsvage kuti nguva dzinenge dzafamba, pwere dzichida kuzorora.

Ane tsika yekutimutsa pakati pehusiku, otiburitsa mumba achiti haasi kuda kutiona pedyo naye.”

Gava akati asvika pachidanho chekuti zviri nani kuti asiyane hake naGumbo.

Gumbo haana kupikisana naGava ndokuti apfidza uye achashandura maitiro ake nekuti haadi kuti varambane nemukadzi wake.

Mutongi Yeukai Dzuda akapa Gava gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>