Chimutsamapfihwa hachichaite mukore uno

05 Feb, 2015 - 15:02 0 Views
Chimutsamapfihwa hachichaite mukore uno

Kwayedza

KAHUNHU kanotarisirwa kuvepo mumunhu kana kachinge karasika munhu uyu anenge asisiri akakwana, anenge afanana nemhuka.

Tinoziva mhuka hadzina kupihwa chipo chekufunga kwakakwana semunhu. Munhu akapiwa simba rekufunga naizvozvo ukaona munhu ozorodza pfungwa oda kuve mhuka zvinenge zvaoma. Humhuka uhu ngahuperere kumunhu uyu kwete kuda kunhanhira kudzinza rese.

Svondo rino ndine nhau yemadzitete matatu ayo anorakidza kuti kufunga kwakaita kushoma.

Ana tete ava, avo vakamiswa pamberi pedare redzimhosva kwaRusape, vari kupomerwa mhosva yekuroodza mwana asati abva zera.

Vatatu ava vakafirwa nemunin’ina wavo uyo anga akaroorwa naLiberty Makombera.

Zvadai vakagara pasi vakabvumirana kuti vaizomupa chimutsa mapfihwa.

Makombera ari kupomerwa mhosva yekubata mwana chibharo ane makore gumi nemashanu

uyo watisingagone kudura zita rake uye atori nepamuviri.

Madzitete emusikana uyu vanoti Teresa (34), Tsitsi (39) naNoleen Muronda (36) vanobva mumusha wekwaMufani kuOdzi vari kuramba mhosva iyi. Vatatu ava havana gweta rakavamiririra.

Muchuchusi Tafara Chawatama akaudza dare kuti vanatete vemusikana uyu vakarova mwana uyu vakamumanikidza kupinda muwanano yavakaronga ivo iye asingabvumirane nazvo.

Madzimai matatu ava ihanzvadzi dzikaberekwa mumba mumwe chete nababa vemusikana wekumanikidzwa kuroorwa uyu.

Mugore ra2013 mumwedzi waNdira kuNyazura, Teresa naTsitsi vanonzi vakamanikidza mwana uyu kuti agare naMakombera semurume nemukadzi mushure mekufa kwemukadzi wake.

Musikana uyu anonzi akaramba akazvamburwa senyoka yapinda mumba.

Anonzi akazotiza oenda kuna tete vekuChitungwiza vanove Noleen uko akanoita bete rawira mumukaka.

Noleen akarova mwana netambo yemagetsi achiti anotofanirwa kuita zvainge zvataurwa.

“Teresa akatevera kuChitungwiza uko akanotora mwana akadzoka naye kumusha waMakombera uko akamupereka semukadzi wake,” akadaro muchuchisi Chawatama.

Tete ava vakapereka mwana uyu kuna Makombera uyo anonzi akaita hwebere raiswa mudanga rembudzi usiku hwese. Anonzi akabata mwana chibharo katatu ndokuudza Teresa kuti ambodzokera nemudzimai wake sezvo guva remukadzi wake rainge risati rarohwa vanhu vaizotaura zvakawanda.

Teresa akazofuma odzokera kuChitungwiza nemwana. Guva ramuchakabvu rakazorohwa muna Gumiguru uye Teresa akadzokera nemwana uyo wavakazosiya vapedza kutamba guva ave mudzimai waMakombera.

Mugore ra2014 muna Chivabvu, mwana akatiza kubva pamusha waMakombera akananga kuMacheke kumusha kwambuya vake uko akasvikotaura nhamo yake yese.

Mbuya ava havana kutambisa nguva vakamhan’ara mhosva kumapurisa ana tete njema dzikaswera dzachena pamwe chete naMakombera.

Tichanzwa kuti dare rakatonga sei.

Nhau yandiinayo ndeyekupira pwere kuti dzive madzimai ivo vasati vasvitsa makore gumi nemasere.

Imhosva inoendesa kujeri.

Musikana uyu anofanirwa kuongororwa kuti haana kubata utachiona hweHIV here asi pari zvino atokurirwa.

Chinokonzera hunjire savana tete ava kuda kudya zvemahara. Regai mutemo uite basa. Tonzwa zvakamuda mudare svondo rinouya.

 Wenyu:[email protected]

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>