Chirongwa bspz chorumbidzwa

03 Jun, 2016 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Malven Mugadzikwa naYvonne Manyanja
CHIRONGWA chekusimudzira dzidzo cheBetter Schools Programme Zimbabwe (BSPZ) chinorumbidzwa nebasa rachiri kuita mukuvandudza ruvizo rwevarairidzi izvo zvinoita kuti vafambirane nenguva.

Rumbidzo iyi yakaitwa nemukuru wedzidzo mupurovhinzi yeHarare (Provincial Education Director), VaChristopher Chamunorwa Kateera, apo vaivhura zviri pamutemo nzvimbo ichavakirwa kamuri yekuitira zvirongwa zveBSPZ paGreengrove Primary School.

“Mubasa rekudzidzisa, kudzidza hakuperi naizvozvo vadzidzisi vanofanira kuramba vachivandudza ruzivo rwavo. BSPZ ndiyo imwe yenzira yekuti vadzidzisi vasangane vemudistrict roga-roga vachipana mazano pamwe chete neruzivo nezvimwewo zvitsva zvingange zvamuka mubasa ravo zvine chekuita nekuvandudza zvidzidzo nemadzidziro evana. Izvi zvinobatsira vose varairidzi pamwe chete nevana vechikoro vacho nekuti vanenge vachiwedzerawo ruzivo,” vanodaro VaKateera.

“Tiri kutarisira kuti chirongwa ichi chifambe nekukasika kuti BSPZ ive nezvivakwa munyika yose kuti ionekwe kushanda kwayo mukuvandudza dzidzo yevana. Tinoda dzidzo inoenderana nenguva yatave kwete kuti vana vedu varambe vachisaririra shure.”

VaKateera vanorumbidzawo vana vechikoro vakawana mibairo nguva yadarika pachiitiko cheEpworth-Mabvuku-Tafara District Merit Awards vachiti vanofanira kuramba vachishingirira muzvidzidzo zvavo kuitira ramangwana ravo ringe rakanaka.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, District Education Officer weEpworth-Mabvuku-Tafara District, Dr Tendai Mavundutse, vanorumbidzawo chirongwa cheBSPZ vachiti chakakosha mukusimudzira dzidzo.

“Kana chirongwa cheBSPZ chichinge chave nezvivakwa zvichaita nyore kuvarairidzi vedu nekuti tiri kuda kuvapa dzidzo inozovabatsira pamwe nevana vavanodzidzisa. Tange takasarira kumashure seHarare asi iye zvino ndiri kufara kuti takwanisa kuparura kuti chivakwa ichi chivepo zvichaita kuti tichengetedze mari yatanga tichibhadhara kuChester House (muHarare) uko kwange kuchiitirwa zvidzidzo izvi,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey