Uncategorized

‘Chirwere chinotevedza dzinza’

27 Nov, 2015 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Medical superitendent paWilkins Hospital muHarare, Dr Hilda Bara, vanoti chirwere cheneurofabromatosis kukura kwenyama dzemuviri zvisisina kutsarukana uye hosha iyi inotevedza mumhuri.

“Kukura kwenyama idzi pamuviri nechemukati meganda kana pamusoro kunoitika zvichikonzerwa nekutapurirana utachiona hwacho, kazhinji kubva kuvabereki.

“Zvinokonzeresa zvakare kukanganisika kwemabhonzo zvichienderana nepabudira nyama idzi. Nyama idzi dzinokura zvekuti dzinokwanisa kuchekwa dzichipera, asi dzimwe dzikachekwa dzinodzoka zvakare.

“Zvakaoma kuti munhu arambe achichekwa nekuti kuchekwa ganda rinotova ronda. Dzimwe nyama dzakadai dzinopedzisira dzokonzeresa chirwere chegomarara,” vanodaro Dr Bara.

Tsvakiridzo yakaitwa neKwayedza padandemutande inotaridza kuti chirwere ichi chinowanzoonekwa nekutanga kwekusvibirira kweganda zvisingarwadze kana kuvava.

Chirwere ichi chinonziwo chinokanganisa huropi, tsinga nedzimwe nhengo dzemuviri.

Neurofabromatosis inonzi inowanzobata vakomana nevasikana panguva iyo vanenge vachangotanga kuyaruka uye inotevedza dzinza remunhu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>