Chishona chakanaka

29 Aug, 2014 - 09:08 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

MHINDURO DZEMIBVUNZO YESVONDO RAPERA:
Ndevapi vanhu vanoita zvinotevera:
1. Kunemerana (sahwira)
2. Kurova gusvi (vakuwasha)
3. Kugova nhumbi dzemufi (vazukuru)
4. Kutamba chiramu (varamu)
5. Kugovera vanhu minda mubhuku (sabhuku)
* * *
Izvi ndizvo zvakatumirwa nevana:
Collen Kanjera anodzidza muForm 3 paVictory Academy College, kuCold Comfort akabvunza kuti:
Munhu akamboita mwana akafa, obva arambwa nemurume anonzi chii?
* * *
Tafadzwa Mutandwa ari muForm 4 paChapwanya High School, kuBuhera akati:
Munhu anofambisa mashoko ekupfimbana anonzi munyayi.
* * *
Gladman Mbiri ari muGrade 7 paChisamba Primary School, kuSakubva, kwaMutare ndokuti:
1. Kunemerana: mwaramu namwaramu.
2. Kurova gusvi: vakuwasha.
3. Kugova nhumbi dzemufi: muzukuru
4. Kutamba chiramu: mwaramu namwaramu
5. Kugovera vanhu minda mubhuku: sabhuku.
Mubvunzo wangu unoti murume ane vakadzi vakawanda anonzi ane barika, ko mukadzi ane varume vakawanda anonzi chii?
* * *
MIBVUNZO YESVONDO RINO:
Tiudze rimwe zita rezvinhu izvi
Semuenzaniso: Rimwe zita redoro ndihwahwa kana kuti mhamba
1.    Rimwe zita rerukukwe: ……
2.    Rimwe zita regudo: ……
3.    Rimwe zita reingwe: ……
4.    Rimwe zita rehukwana: ……
5.    Rimwe zita rinoreva muridzi wechinhu: mw….
* * *
Mhinduro dzemibvunzo yesvondo rino muKwayedza resvondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey