Uncategorized

Chitungwiza: Musha mukuru pakudii?…Marara haatorwe, mitero ichibhadharwa

29 Apr, 2016 - 00:04 0 Views

Kwayedza

MUKURU wesangano reChitungwiza Residents Trust, VaMarvelous Khumalo, vanoti vagari vemudhorobha iri vane zvinyunyuto zvakawanda zvichitevera kusaitwa kwebasa nemazvo nekanzuru yavo.

Izvo zviri kuita kuti vagari vemuChitungwiza vashaye chikonzero chinovaita kuti vabhadhare mitero, ingava yedzimba, kutakurwa kwemarara, mvura nezvimwe.

“Chokwadi ndechekuti kanzuru haisi kuita basa rayo nemazvo sezvakatarwa neHurumende. Mutemo unoti pamabasa ose anoitwa nekanzuru ichiwana mari, chikamu che70% chinofanira kushandiswa mumabasa ebudiriro yemunharaunda zvinova zviri kupesana nezviri kuitwa neChitungwiza. Chikamu che80% chiri kutoenda kumari dzavanotambira.

Vari kutambirisana mari asi isu tinobhadhara mitero havana zvavari kutiitira sekanzuru,” vanodaro.

Vanoti nzvimbo zhinji dzemuChitungwiza hadzisi kutakurwa marara zvachose nechikonzero chekuti kanzuru haina kugadzira migwagwa inosvika kwayakapa vanhu masitendi ekuvaka dzimba.

“Somuenzaniso, kuUnit O Extension, vanhu vatove nemakore anodarika mashanu vasina kumboona motokari inotakura marara. Kanzuru iri kupa zvikonzero zvekuti hakusati kwave nemigwagwa yakanaka apo iyo ndiyo inofanirwa kugadzirisa migwagwa ikoko. Kutaura kudai vanhu vari kungorasira marara pese-pese zvinova zvisina utano. Mabhiri emitero achingouya zvawo,” vanodaro.

“Pamotokari 24 dziri kukanzuru idzo dzinofanira kutakura marara, 6 bedzi ndidzo dziri kushanda uye hadzikwanisi kutakura muChitungwiza yose. Izvi zvinoita kuti vanhu vaite mwedzi wese vakaisa masaga emarara pamigwagwa vachitarisira kuti achatakurwa. Marara iwayo ari kugumisira apararira nemigwagwa zvichikanganisa mafambiro.”

VaKhumalo vanoti nzvimbo yekumakuva matsva muChitungwiza ine dambudziko zvakare nekuti ari pedyo nerwizi uye panowanda mvura.

“Zvinhu zvinorwadza nekuti makuva matsva ari pedyo nerwizi rwaManyame rwunodira muLake Chivero kunova kunobva mvura inonwiwa neveruzhinji. Zvakare migwagwa inoenda kumakuva aya haina kugadzirwa netara, inonyudza zvikuru.”

VaKhumalo vanoti vanoshushikana zvikuru nekuipa kwakaita migwagwa muChitungwiza, yakawanda yacho yangova makomba-makomba.

Vanotsutsumwazve nekuda kwemamiriro akaita zvinhu kuNyatsime, uko kune mvonga-mvonga panyaya yemasitendi edzimba.

“Masitendi ekuNyatsime ave kumutsa hondo huru nekuti kune vamwe vaitengesa masitendi aya zvisiri pamutemo apawo kanzuru yakatengesawo. Saka vaye vakatengeserwa nekanzuru pavakazoenda vachiti vanovaka vakawana patove nevanhu,” vanodaro VaKhumalo.

Vanoti kune mamwe makanzura emudhorobha iri ari kuita huwori hwekutorera vanhu vanenge vasingabhadhare mitero kana kuti vatadza kuvaka masitendi avo vachiatengesera hama neshamwari dzavo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey