Cholera: Varwere vonogezeswa murwizi Save

22 Oct, 2023 - 12:10 0 Views
Cholera: Varwere vonogezeswa murwizi Save Dr Mombeshora

Kwayedza

Samuel Kadungure

HURUMENDE iri kusimbaradza hurongwa hwekumisa kupararira kwechirwere checholera mudunhu reManicaland, panguva iyo vamwe vanamati vechipositori vanonzi vari kushandisa nzira dzisina kunaka nekugesesa vavanofungidzira kuti vane denda iri murwizi rwaSave izvo zviri kusvibisa mvura yemo.

Vanachiremba vakatumirwa kunzvimbo dzose dziri kunetsa chirwere ichi kuitira kudzivirira kupararira kwacho nekurasikirwa neupenyu.

Vashandi vezveutano vemunharaunda yeBuhera vari kuchema-chema nemaitiro evamwe vanamati ekuramba kuwana rubatsiro rwezveutano, vachisarudza “kurapa” nhengo dzavo dzine cholera munzizi huru nokudaro vachiparadzira chirwere ichi kunharaunda dziri zasi kwerwizi idzo dzinoshandisa mvura iyi.

Chirwere checholera chakanyuka kuBuhera, Mutare neChipinge uye kuBuhera uko chiri kunyanya kunetsa chabata vanhu 746 chikauraya 27 kubva munaNyamavhuvhu 2023.

Pavanhu vakabatwa nedenda iri, Manicaland ine 2 350 ne83 vafa kubva nemusi wa13 Gumiguru apo vanhu makumi mana vakabatwa nechirwere ichi uye mumwe chete akafa neMugovera svondo rakapfuura.

Izvi zvakatuma gurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Douglas Mombeshora, pamwe nechikwata chavo chakasimba kushanyira nzvimbo dziri kunyanya kunetsa chirwere ichi.

Vakashanyira chipatara cheMurambinda Mission Hospital, Mudanda neBetera Clinics uko kune nyaya dzekushaikwa kwemvura yakachena pamwe nehutsanana.

Dr Mombeshora vanoti pane hurongwa hwekuchera zvibhorani zvisere zvinoshandisa moto wemagetsi anobva muzuva kuBuhera.

Vanoti bazi rezveutano nekurerwa kwevana richapa midhudhudhu yekuti vanamazvikokota vezveutano vakwanise kufamba mukudzivirira kupararira kwechirwere ichi pamwe nemibhedha yakakodzera yevarwere vecholera.

“Mvura haisi kusvika pachiyero chatinoda. Ndataura nevarwere vane chitsama vakati havana mvura yakachena.

“Vamwe vane mvura yakachena yekunwa, asi vanoshandisa mvura yemurwizi kuwacha, kugeza nezvimwe, asi mvura yakatorwa murwizi inotaridza kusvibiswa kwayo uye inogona kukonzera hutachiona kana ukatadza kugeza maoko zvakanaka mushure mekuishandisa.

“Vamwe vanhu vedu vanoshayawo hutsanana uye havana zvimbuzi mudzimba nekumachechi nekudaro tine vanhu vakawanda vakabatwa nezvirwere zvinodyidzana nedenda iri. Rufu rumwe rwakawandisa.

“Tiri kurasikirwa neupenyu uye tinofanirwa kusimbisa matanho edu ekudzivirira kupararira kwechirwere ichi,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links