Choruwa ozvireva . . . ‘Handina daka neDeMbare’

29 May, 2015 - 00:05 0 Views
Choruwa ozvireva . . . ‘Handina daka neDeMbare’

Kwayedza

“NDIKATARISA mwana wangu ndinonzwa kurwadziwa zvikuru nekuti aive netarenda raidadisa mumutambo wenhabvu. Asi kukuvara kwaakaita kwakamukanganisa!”

Aya mashoko akataurwa svondo rino naMai Josephine Choruwa, vanove amai vaSamson Choruwa, muchinda akambonetsa achitambira chikwata cheDynamos FC, apo Kwayedza yakavashanyira kumba kwavo kuGlen View 3, muHarare.

Choruwa mumwe wevatambi venhabvu vakanetsa vachiri vadiki kuDeMbare uko akarerwa kusvikira ave kutambira chikwata chevakuru.

Asi mugore ra2002, ave nemakore 19 ekuberekwa zvekare panguva iyo akange ave kutanga kupisa mumutambo uyu, Choruwa akatyorwa gumbo rake apo Dynamos yaitamba neMasvingo United mumutambo wePremier Soccer League.

Amai vake vanoti vaitevera zvikuru mitambo yemwana wavo uye kukuvara kwaakaita kwakavarwadza zvekuti zvinogara zvichivabaya.

“Handitombozvivanze, kukuvara kwaSamson kunondirwadza kana nanhasi zvichiri kungodzimba.

“Aive netarenda rainwisa mvura uye upenyu hwake kana nanhasi zvimwe hungadai hwakashanduka zvikuru, iye nemhuri yake vakagara zvakanaka chaizvo.

“Asi tinongotambira kuti ndizvo zvakaitika, chipo aiva nacho uye ndaidada naye,” vakadaro Mai Choruwa.

Vanoti kubva paakatanga kuratidza kufarira nhabvu vaimutsigira zvikuru.

Mai Choruwa vanoti mimwe yemitambo yakatambwa nemwana wavo yavasingakanwe inosanganisira weDairibord Cup Final apo DeMbare yakakunda Amazulu mufainari iyo Choruwa akapihwa chiremerera chekurova pena zvikwata izvi zviri mangange.

“Ini samai ibasa rangu kutsigire mwana wangu pane zvose zvaanoda kuita muupenyu hwake uye ndichimuraira kuti ndezvipi zvakanaka nezvakashata.

“Samson ndaimutsigira zvikuru uye ndaiita shungu kuti ndizive kuti atamba sei. Dzimwe dzenguva taishamisika kuti aswera kupi asi ndakazoshamiswa rimwe gore ndichimuona achipihwa mubairo paterevhizheni apo vakahwina mukombe weCoca-Cola Under-20 Tournament kwaMutare.

“Ndichiri kurangarira mutambo weDairibord Cup Final, uyo wavakahwina akanzi arove pena (bhora remugadzikirwa) achiri mwana mudiki. Zvinhu zvaivhundutsa asi ndakafara kuti akanwisa uye chikwata chake chikahwina.

“Zvinofadza semubereki kuona mwana wako achipihwa chiremerera chakadai,” vakadaro Mai Choruwa.

Choruwa kubva paakasendeka shangu dzake ange achidzidzira kurairidza nhabvu. Akamborairidza vatambi vechidiki kuDeMbare vakaita saPartson Jaure naLawrence Mapeya.

Gore radarika, airairidza chikwata cheBudiriro Gunners icho chaikwikwidza muDivision Two. Chikwata ichi chakapedza chiri pechipiri asi chakazokundikana kupinda muDivision One mushure mekunge chashairwa mari.

Pari zvino Samson ari kushanda paGlen View 7 High apo ari kurairidza nhabvu panguva imwe chetewo achiita zvidzidzo zvake zveCAF.

Anoti kuti nhabvu yemuno ibudirire panofanirwa kuve nevakotsveri vakazvipira kutsigira vechidiki mumutambo uyu.

“Nhabvu yedu hapana kwairi kuenda, ndicho chokwadi nekuti hapana kubikwa kwevatambi vechidiki.

“Isu panguva yedu chakaita kuti chikwata chedu cheKidznet chigobudirira inyaya yekuti takakura tiri chikwata chimwe chete tikaenda kuchikoro chakafanana, takabva tose kumaUnder-15 kusvika kuchikwata chevakuru.

“Ndizvo zviri kudiwa panguva ino kuti vatambi vatange kubikwa vachiri vadiki vokura mumutambo uyu kusvika vave kuzvikwata zvevakuru.

Kunyangwe hake akazotsvetwa nechikwata chake chakamurera – Dynamos – panguva iyo yaainge akuvara, Choruwa anoti haana daka nacho.

“Handina daka nechikwata ichi ini nekuti chakandirera chikandiendesa kuchikoro asi pane vanhu vaivepo panguva yacho vakandisiya ndichikwangwaya.

“Hazviite kuti chikwata chisiye vatambi vacho vachitambura kudaro, zvinhu ngazvirongeke,” akadaro Samson.

Choruwa ari kugara kuGlen View 3 naamai vake pamwe nemudzimai wake, Moleen Shangwa nevana vake vasikana vaviri – Oleen naNicole – pamwe chete nehanzvadzi yake.

Oleen, uyo ari kuita Grade 7 paGlen View 7 Primary, anotamba nhabvu yevasikana pachikoro ichi.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>