Chotsva muPSL

22 Apr, 2016 - 00:04 0 Views
Chotsva muPSL Paulo Jorge Silva

Kwayedza

MITAMBO yePremier Soccer League ichasimudzira svondo rino zvichitevera kumbomiswa kwayakaitwa vhiki radarika nekuda kwemutambo weUhuru Cup uyo wakahwinwa neChicken Inn mushure mekukunda Highlanders FC 2-1 mufainari.

Svondo rino, maziso ose achange ari kuDynamos FC pamwe nemurairidzi wayo – Paulo Jorge Silva – sezvo ari panyanga dzamushore zvichitevera kukundikana kuri kuita chikwata chake kuhwinha mumitambo yacho. Dynamos ichatamba neMutare City Rovers kuSakubva Stadium kwaMutare.

Kubva pakatanga mitambo yePSL, Dynamos haisati yambonwisa uye mumitambo miviri yayatamba yakakundwa wekutanga 3-0 neChicken Inn ikazoita mangange 0-0 neTriangle. Kozoti svondo radarika, yakakundwa ne1-0 neChicken Inn uye 2-0 neFC Platinum mumutambo weIndependence Cup.

Silva svondo radarika akaramba kutaura nevatori venhau achiti vari kunyora zvekunyepa pamusoro pake, asi ndokuzoti pane vamwe vanhu vaanoshanda navo vanoda kumudzingisa basa.

Chicken Inn vs How Mine

Nyenyedzi chena dziri kuramba dzichivaima kuchikwata chaJoey Antipas cheChicken Inn.

Svondo rino maGamecocks, sezita remadunhurirwa reChicken Inn, achatamba mumwe mutambo weBulawayo Derby apo achasangana neHow ‘Chikurupati’ Mine kuLuveve.

Chicken Inn iri kutamba nhabvu inoyevedza, kunyanya vatambi vayo vanoti Mitchell Katsvairo naClemence Matawu.

Chikwata ichi kusvika parizvino chahwinha mitambo yacho yose yePSL kozotiwo How Mine yakwanisa kuhwina mumwe chete apo yakakunda ZPC Kariba 2-0 ndokuita mangange 2-2 neBulawayo City.

Zvikwata izvi pazvakasangana mwaka wadarika, Chicken Inn yakahwina mitambo miviri yese – wekutanga 1-0 newechipiri ikahwina 2-1.

CAPS United vs Harare City

Kunhandare yeNational Sports Stadium, muguta reHarare kuchange kusingadanwe anonzwa apo Kepe-kepe ichasangana nemaSunshine City Boys. Svondo radarika, zita reCAPS United rakasvibiswa zvichitevera nyaya yakaputeni wayo, Method Mwanjali naArckford Gutu avo vakasungwa vachipomerwa mhosva yekubaya munhu nebanga uye kuputsa motokari yake.

Kepe-kepe neCity zvimwe zvezvikwata zviri kurwira mukombe wePSL mwaka uno uye zvakatenga vatambi vakawanda.

FC Platinum vs Chapungu

Mwaka uno zvikwata zviviri chete Chicken Inn neFC Platinum ndizvo zvakwanisa kuhwina mitambo yazvo yekutanga.

Norman Mapeza ari kubata basa rinonwisa mvura kuPlatinum. Svondo rino chikwata ichi chichange chiri pamusha apo chichasangana neChapungu.

 

Mugovera

Chicken Inn FC Vs How Mine FC, Luveve Stadium 1500hrs

ZPC Kariba FC Vs Bulawayo City FC, Nyamhunga Stadium 1500hrs

FC Platinum Vs Chapungu FC, Mandava Stadium 1500hrs

Svondo

Triangle United FC Vs Border Strikers FC, Gibbo Stadium 1500hrs

Tsholotsho FC Vs Highlanders FC, Barbourfields Stadium 1500hrs

Caps United FC Vs Harare City FC National Sports Stadium 1500hrs

Mutare City Rovers FC Vs Dynamos FC, Sakubva Stadium 1500hrs

Hwange FC Vs Ngezi Platinum Stars FC, Colliery Stadium 1500hrs

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey