Clarke ava kaputeni

06 Mar, 2015 - 00:03 0 Views

Kwayedza

SHASHA yemutambo wemujaho yekuGreat Britain, Lawrence Clarke, ndiye akasarudzwa kuva kaputeni wechikwata chenyika iyi kumakwikwi eEuropean Indoor Championships. Clarke, uyo ainge achangobva kuhwinha mumujaho we60m kumakwikwi eBritish Indoor Title, ndiye achatungamirira chikwata ichi pavari kuenda kumakwikwi ayo achaitirwa kuPrague kubva musi waKurume 5 kusvika 8.

Clarke anoti akashanda zvakasimba apo aishingairira hupenyu hwakanaka uye anoti zvinodadisa kubatirana pamwe chete nechikwata ichi.
Muchinda uyu anoti anovimba kuti apo anenge ari kaputeni achava nenguva yakanakisa.

“Ndakaita rombo rakanaka kuti mukuru wesangano reBritish Athletics Perfomance Director, Neil Black, ndiye akakumbira kuti ndizotungamirira chikwata cheGreat Britain kumakwishu anoitwa gore negore eEuropean Athletics Indoor Championships apo vachaenda kuCzech Republic gore rino.

“Neil akandipasa manyemwe zvikuru, akaona kuti nguva yainge yakwana muhupenyu hwangu kuti nditungamirire chikwata chakakura zvakadai zvokuti ndinoda kuramba ndiri mucherechedzo wakanaka kune vamwe vatambi,” akadaro Clarke.

“Ndakange ndisina kuzvitarisira kunyangwe zvazvo ndaishuvira kuti ndionekwe semunhu akashanda nesimba makore adarika kuti ndizove zvandave nhasi, zvinondipasa manyemwe uye zvinondivhaidza.

“Ndine chivimbo chekuti tichanohwinha uye tichadzoka nemukombe nekuti ndizvo zvandakapedza makore mazhinji ndichiedza kuti ndidzidzire – kuvawo mucherechedzo wezvakanaka uye mukana uyu wainge wandinonokera. Chokwadi nhasi ndiri kunyumbwira nemufaro nedanho randave,” akadaro Clarke. – BBC Sport News

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>