Cleverley oita hurukuro

05 Jun, 2015 - 00:06 0 Views
Cleverley oita hurukuro

Kwayedza

TOM Cleverley ari kuita hurukuro neEverton kuti aende kunotambira chikwata ichi, izvo zvinonzi zvine chiedza zvikuru mune remangwana ake.

Chizvarwa chekuEngland ichi, icho kondirakiti yacho yekuManchester United ichapera mwedzi uno, chinonzi chiri kukurukura nezvimwe zvikwata zvinosanganisira Aston Villa uko kwachakapedza gore rose chichitambira nechikwereti.

Murairidzi weVilla, Tim Sherwood, akambotaura kare kuti anoda kutenga Cleverley auye kuchikwata chake apo mutambi uyu aida kueda kuEverton asi zvikazoramba.

Mwaka wadarika, akakwanisa kutamba ka38 muPremier League akanwisa katatu uye akabatsira chikwata ichi kusvika kufainari yeFA Cup uko chakazokudwa neArsenal.

Cleverly akaudzwa mwaka wadarika usati watanga kuti haasi kuzopihwa imwe kondirakiti kuOld Trafford apo paakange ave kunzi atsvage chimwe chikwata.

Cleverly akakurira muUnited ndokumbotambira zvimwe zvikwata zvinoti Leicester, Watford neWigan nechikwereti. Akazodzoka kuUnited apo yairairidzwa naSir Alex Ferguson uye akatambira chikwata ichi ka76 ndokunwisa kashanu.

Akatanga kutambira England mugore ra2012 uye akanwisa achitambira nyika yake ka12. — Sky Sports News

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>