Uncategorized

Coronavirus: 80pc vapona

28 Aug, 2020 - 00:08 0 Views
Coronavirus: 80pc vapona Sen Mutsvangwa

Kwayedza

Tandayi Motsi

HUWANDU hwevanhu vari kupona kuchirwere cheCovid-19 muZimbabwe huri kuramba huchikwira uye kusvika nemusi weChipiri chikamu chinodarika 80 percent chevarwere vedenda iri vakange vatonaya.

Kusvika nemusi uyu, Zimbabwe yange yava nevanhu 6 196 vawanikwa vaine coronavirus — hutachiona hunokonzera Covid-19 — mushure mekunge vavhenekwa.

Pavarwere ivava, 4 961 vakatopona asi vamwe 166 vakafa.

Huwandu hwevanhu vafa hwakakwira zvichitevera kushaika kwevamwe 11 nemusi weChipiri svondo rino.

Pavanhu 11 vakafa ava, gumi ndevemuHarare uye mumwe chete ari wekuMashonaland West.

Magwaro anotumirwa pazuva nebazi rezveutano nekurerwa kwevana anoratidza kuti Harare, iyo ine vanhu 2 498 vabatwa nechirwere ichi, ndiyo ine vakawanda vapona vanosvika 1 962. Asi dunhu iri ndiro zvakare rine vakawandawo vafa vanove 93.

Harare inoteverwa neBulawayo iyo ine 1 260 vawanikwa vaine Covid-19, 1 119 vapona ne29 vafa.

Dunhu reMatabeleland South ndiro riri pechitatu nevanhu 610 vabatwa vaine chirwere ichi, 436 vakatopona nevaviri vakafa.

Manicaland, iyo ine 356 vawanikwa vaine Covid-19 ne306 vapona kuhurwere, ine vanhu 18 vafa nedenda irori.

Hurumende inoti yakazvipira kusimudzira mashandiro evashandi vayo uye inoshushikana zvikuru nekukwira kuri kuita nyaya dzeCovid-19 kune avo vari pamberi mukurwisa kupararira kwechirwere ichi.

Vachitaura kuvatori venhau mushure medare reCabinet muHarare nemusi weChipiri, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro, Senator Monica Mutsvangwa vanoti Hurumende yakazvipira kumisa kupararira kwedenda iri.

“Cabinet inovimbisa veruzhinji kuti Hurumende iri mushishi yekusimudzira mashandiro evashandi vayo uye inoshushikana zvikuru nekuwanda kuri kuita nyaya dzeCovid-19 pakati pevashandi vari pamberi mukurwisa kupararira kwechirwere ichi,” vanodaro.

Vanoti Cabinet inozviziva zvakare kuti kambani yeZUPCO iri kuita basa guru rekutakura vanhu mumadhorobha uye iri kutsvaga nzira dzekuti basa rifambe zvakanaka.

Vachitaura pamusoro penyaya yekuvhurwa kwezvikoro, Sen Mutsvangwa vanoti bazi redzidzo yepuraimari nesekondari riri kuita ongororo pachikoro chimwe nechimwe nechinangwa chekuona nyaya dzegadziriro zvichienderana nezvinodiwa mukudzivirira kupararira kweCovid-19.

“Panyaya yekuvhurwa kwezvikoro maringe nekunyorwa kwebvunzo dzekupera kwegore, bazi repuraimari nesekondari rine hurongwa hwekuongorora chikoro chimwe nechimwe chepuraimari nesekondari nechinangwa chekuona kuti zvagadzirira here pachitevedzwa zvinodiwa mukudzivirira chirwere ichi izvo zvakaita kuti bvunzo dzepakati pegore dzemunaChikumi dzibudirire,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>