COVID-19 ichiriko, regai kuvarairwa: WHO

16 Jun, 2023 - 16:06 0 Views
COVID-19 ichiriko, regai kuvarairwa: WHO Coronavirus

Kwayedza

Phillipa Mukome Chinhoi

SANGANO rinoona nezveutano pasi rose, reWorld Health Organisation (WHO), rinoti chirwere cheCovid-19 chichiriko nekudaro veruzhinji havafanirwe kuvarairwa asi kuti varambe vachitora matanho ekuzvidzivirira kubva kudenda iri.

Kurudziro iyi yakaitwa naDr Lincoln Charimari avo vanova WHO Zimbabwe Emegency Team Leader pamhemberero dzekusvitsa makore 75 sangano iri ravambwa pagungano rakaitirwa muguta reHarare nguva pfupi yadarika.

“Zvakakosha kuti veruzhinji vasakanganwe kuti Covid-19 tichinayo, haina kupera naizvozvo zvose zvaingoitwa zvekudzivirira zvichiriko. Ngatisarega kuvhara mhuno nemuromo kana tiri panzvimbo dzakamanikidzika dzinosangana veruzhinji, ngatigare tichigeza maoko nekuzora mishonga (sesanitizer) mumaoko uye tisamanikidzirana pamitsetse nemudzimotokari nekuti izvi zvinobatsira kuti chirwere ichi chirege kuramba chichipararira,” vanodaro Dr Charimari.

Vanoti veruzhinji vanofanirwa kuzvidzivirirawo kuzvirwere zvemanyoka zvinosanganisira cholera nekuita hutsanana nguva dzose.

WHO, vanodaro Dr Charimari, icharamba ichisimbaradza hukama hwayo neZimbabwe mukusimudzira nyaya dzeutano munyika.

Vachitaurawo pagungano iri, Professor Jean Mari Dagou, avo vanova mutungamiri weWHO muZimbabwe, vanoti vane mufaro mukuru kupemberera kusvitsa kwesangano ravo makore 75 ravambwa.

“Dingindira regore rino rinoti, ‘Utano kumunhu wose’ nekudaro sangano redu rine shungu dzekuti munhu wose ave mutano nekuti ikodzero yake,” vanodaro.

Professor Dagou vanoti nyika zhinji muAfrica dziri kusangana nedambudziko rokuti voruzhinji vawane zvikwanisiriro zvinoita kuti vave neutano hwakanaka nekuda kwekushaya mari yekurapwa nekutenga mishonga uye vamwe vanofamba nzendo refu kuenda kuzvipatara nemakiriniki.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey