‘Covid-19 yatipinza munzara’

26 Jun, 2020 - 00:06 0 Views
‘Covid-19 yatipinza munzara’ Regina Jonga

Kwayedza

Abel Ndooka
SHASHA yemutambo wekusimudza masimbi ekuvaka muviri (body-building), Regina Jonga anoti madzimai mazhinji ari mune zvemitambo ari kukwangwaya panguva ino izvo zvakonzereswa nechirwere cheCovid-19 sezvo chiri kutadzisa kuti mitambo yakasiyana inge ichiitwa senzira yekuti chisapararire.

Jonga, uyo anove Sportswoman of the Year, anoti madzimai — kunyanya vari mune zvemitambo — hupenyu hwavo hwashanduka nekuti mikana yavo yekuita mari yakavharwa izvo zvakakonzereswa neCovid-19.

“Madzimai tiri patambo, zvinhu zvedu hazvisi kufamba zvakanaka, coronavirus iyi dai yachipera nekuti zvinhu zvedu hazvisi kufamba zvakanaka,” anodaro Jonga.

Mwedzi uno Jonga aifanirwa kuenda kunokwikwidza kunze kwenyika kuAsia asi anoti mutambo wacho wakazokanzurwa uye wave kutarisirwa kuzoitwa gore rinotevera.

Anoti ari kungonamata kuti Covid-19 ipere sezvo ari kutarisira kuenda kuIndonesia munaNyamavhuvhu uko kune mumwe mutambo waanoda kunokwikwidza.

“Ini ndinorarama kuburikidza nekuenda kunze kwenyika ndichinokwikwidza ndichihwina, ndiko kunobva mari inondiraramisa nemhuri yangu. Saka ndiri kungoshuvira kuti zvecoronavirus izvi zvichipera ndigokwanisa kutanga kukwikwidza.

“Kutaura kuno tine mumwe mutambo wandaifanira kuenda kuAsia wakatokanzurwa wave kunzi waveko gore rinotevera. Hameno, saka pasara wemunaNyamavhuvhu, manje chirwere chikasapera unogona kukanzurwa asi kana chikapera aiwa ndinoenda kunoukwikwidza. Ndipo ndichatowanawo mari yeKirisimasi,” anodaro Jonga.

Anoti apo nyika ichiri pa ‘lockdown’ kuita gadziriro kuri kumuremera sezvo magym mazhinji akavharwa saka ave kutosimudza simbi kumagym emikoto asina midziyo yekushandisa yakakwana.

Anoti kana bhizimisi rake rekutengesa chikafu chinobatsira kusimbisa muviri (supplements) harisi kufamba zvakare sezvo vanhu vasiri kusimudza simbi nekuti magym mazhinji akavharwa.

“Magym ese kwataisimudza simbi akavharwa saka zviri kutidzosera shure zvikuru nekuti taida chaizvo kugara takagadzirira kuitira pazvinonaka. Iye zvino tave kupona nekuenda kumagym emudzimba dzedu emikoto asina simbi dzakakwana.

“Ndine bhizimisi rangu rekutengesa masupplements ekuvaka muviri anotorwa nevanhu vanosimudza simbi, haasi kutengwa sezvo magym akavharwa uye vanhu havasi kusimudza simbi,” anodaro Jonga.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>