Covid yaderera kuma’hotspot’

26 Sep, 2021 - 14:09 0 Views
Covid yaderera  kuma’hotspot’ Senator Mutsvangwa

Kwayedza

Tandayi Motsi

DARE reCabinet rinoti rinofadzwa zvikuru nekudzikira zvakanyanya kuri kuita kupararira kwechirwere cheCovid-19 kunzvimbo dzakasiyana dzenyika uko kwaikurumbira denda iri nguva pfupi yadarika.

Vachitaura kuvatori venhau mushure memusangano wedare reCabinet svondo rapera, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko – Senator Monica Mutsvangwa – vanoti kupararira kwedenda iri kuri kudzikira zvikuru kunzvimbo dzaimbozivikanwa nemukurumbira wechirwere ichi kwemasvondo matatu adarika.

“Cabinet inofara kuzivisa kuti nyaya dzevanhu vari kuwanikwa vaine chirwere ichi munzvimbo dzaimbokurumbira nekupararira kwedenda iri dzadzikira zvakanyanya kwemazuva 21 adarika uye dziri kuramba dzichidzikira nekuda kwematanho ari kutorwa neHurumende ekudzivirira kupararira kweCocid-19,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Vanoenderera mberi vachiti, “Bazi rezvehomwe yenyika riri kuramba richipa mari inodiwa zvakanyanya kushandisa mukurwisa denda iri apo $34,2 bhiriyoni yakatopihwa kusvika pari zvino. Matanho aya aona kudzikira kwehuwandu hwevarwere veCovid-19 vanoda kupihwa mibhedha muzvipatara.”

Bazi rezvehomwe yenyika kusvika pari zvino rashandiswa mari inosvika US$127 miriyoni kutenga majekiseni 12,5 miriyoni ekudzivirira chirwere cheCovid-19 kubva kunyika dzakasiyana nechinangwa chekusimbaradza chirongwa chekubaiwa kwevanhu nhomba idzi.

Hurumende pakutanga, yakaisa padivi bhajeti reUS$100 miriyoni yekutenga mishonga iyi asi mari iyi yakatopera.

Zimbabwe ine chinangwa chekubaya nhomba 10 miriyoni chinove chikamu che60 percent chevanhu vose vari munyika kuti inge yakadziviriwa kubva kudenda iri.

Kusvika pari zvino, vanhu 2,97 miriyoni vabaiwa majekiseni ekutanga (1st dose) ekudzivirira Covid-19 apo 2,1 miriyoni vabaiwa nhomba dzose idzi dziri mbiri.

Izvi zvinoreva kuti chikamu che13 percent chevanhu vose vari munyika vadzivirirwa zvizere kubva kudenda iri.

Zimbabwe pari zvino iri panhamba yechinonwe muAfrica panyaya yekufambisa zvinodadisa chirongwa chekubaiwa kwevanhu majekiseni uye iri pakati penyika 13 zvakare dzazadzikisa tarisiro yesangano rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organisation yekuti chikamu che10 percent chevanhu vose vari munyika vange vadzivirirwa zvizere kubva kuCovid-19 panopera mwedzi waGunyana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey