Covid yaomesera vachada kudzoka

06 Dec, 2021 - 17:12 0 Views
Covid yaomesera vachada kudzoka

Kwayedza

Munyori weKwayedza

KUSIMBARADZWA kwematanho ekurwisa chirwere cheCovid-19 kumiganhu yeZimbabwe uye nenyika dziri mudunhu reSadc kwaita kuti zvisave nyore kuzvizvarwa zvenyika ino zvinoda kudzoka kumusha panguva yezororo reKirisimasi neGoredzva.

Apo vanhu vari mudunhu reSadc vanokwanisa kushanya kuZimbabwe nekudzokera kunyika dzavanogara munaNdira, vanofanirwa kugara mazuva 10 vari kwavo voga pavanosvika muZimbabwe, izvo zvichaita kuti nguva yavachazoonana nemhuri pamwe neshamwari ive shoma.

Kune vasingagari muSadc, hazvisi nyore kuti vawane ndege dzinouya kuZimbabwe nekuzodzokera kunyika dzavanogara.

Pasi pemitemo yekudzivirira kupararira kweCovid-19, zvizvarwa zvose zvemuZimbabwe zvinoda kudzoka kumusha pamwe nevashanyi vanofanirwa kuongororwa zvisinei nekuti vane magwaro anoratidza kuti vakavhenekwa denda iri kumwe.

Vanowanikwa vaine chirwere ichi vachagariswa kwavo voga kwemazuva 10 uye vachizoongororwa zvakare denda iri kwapera mazuva mashanu.

Avo vanoonekwa vaine zviratidzo zvecheCovid-19 vanopaurwa vogariswa kwavo voga zvakare.

Pasi pemitemo iyi, zvizvarwa zvemunyika muno nevashanyi vagara mazuva 14 vari kunze kana vave kudzoka muZimbabwe, vachagariswa kwavo voga kwemazuva gumi vachizvibhadharira mari inodiwa panzvimbo dzavanenge vari apowo vanogara kunze kwemazuva asingasvike 14, vanofanirwa kuzvitsaura vari kudzimba dzavo.

VaNqabutho Mabhena, avo vanove sachigaro weboka reZimbabwe Community kuSouth Africa, vanoti mitemo mitsva yekurwisa chirwere cheCovid-19 ichakanganisa zvikuru vashanyi vakawanda.

Vanoti nyaya yekuti mushanyi anombogariswa kunzvimbo yake oga uye achizvibhadharira mari yacho ichakanganisa vashanyi.

VaMabhena vanoti mazuva achagarwa nemushanyi zvakare ari kunzvimbo yake oga akawanda izvo zvichaita kuti vazhinji vasade kushanya.

“Chinhu chakanaka kuti vashanyi vavhenekwa asi zviri kudiwa zvacho zvichavadzivisa.

“Vachachengetwa kunzvimbo dzavo voga vachizvibhadharira mari yacho. Vanhu havana kushanda zvakanaka gore rino zvichireva kuti vanenge vasina mari yekuzvibhadharira zvinodiwa zvacho,” vanodaro.

VaMabhena vanoti kunyangwe vamwe vanhu vakakwanisa kuwana mari yekuzvibhadharira kunzvimbo dzavanenge vachichengetwa, havawane mukana wakakura wekuonana nemhuri neshamwari.

“Panguva yavanozoregerwa kunzvimbo dzavachigariswa voga, nguva yezororo inenge yadarika. Vanhu vakawanda vachaona zvisingabatsire kuti vashanye. Ichave nguva isingafadzi kune vanogara kunze,” vanodaro.

Muzvare Elfina Ncube – avo vanoshandira kuBotswana – vanoti vane chishuwo chekushanyira mhuri yavo panguva yezororo iri, asi zvichange zvisiri nyore.

“Vana vangu vari muZimbabwe uye chishuwo changu kuti ndigoshanya ndipemberere Kirisimasi tiri tose, asi pari zvino ndave nemumwe mufungiro.

“Ndinotya zvakare kuti kana ndikaenda kumusha kupararira kwedenda iri kukawedzera miganhu yenyika inogona kuvharwa izvo zvinozoita kuti zvisave nyore kuti ndidzoke kubasa sezvo ndichifanirwa kudzoka pakutanga kwaNdira.

“Nyaya yose iyi inondirwadza nekuti ndine chido chekupemberera zororo iri ndiine vana vangu nedzimwe hama,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>