DETEMBA TINZWE: Musikana weusiku

20 Feb, 2015 - 00:02 0 Views

Kwayedza

naAmanda Chirambadare
Vhu-u chasvika chivhindikiti chigwindiri chomwanasikana

Paari hapana chinoshoreka unogutsikana

Runako rwake rwunokandisa mapfumo pasi

Ndabva ndangogwadama ndarara pasi.

Ndiro rake basa iri rousiku.

Masikati anenge akati rukutu

Ndiko kwake kwaakadanwa akanzwa.

Akashevedzwa, akadavira zvatakanzwa.

Mari yevanhurume haatongoisiye.

Anoshandisa sekunge muridzi ndiye.

Anokohwa pakarimwa nevamwe.

Anenge akarara hake panoshanda vamwe

Ozoshanda hake panorara vamwe.

Mudzimba dzinonwirwa doro, ndomaanotambira

Nokuti anoziva kuti zvake zvapera akatongomira.

Anokukwezva nemafuta anonhuhwira nerunako rwake.

Iwe wobudisa mari womupa hake.

Kumba vana vofa nenzara mari yose yapedzwa naye.

Pawaimupa waiti unondya sadza naye?

Muchenjeri anoparadza dzimba

Iye musikana wousiku.

 

  • Amanda Chirambadare ari muForm 4 paRoosevelt Girls High School, muHarare

MAONERO:

Ndima yako yekutanga iri kutizivisa nezvemusikana wawati iwe – musikana akasimba, asina chinoshoreka nekuda kwerunako rwunokandisa mapfumo pasi. Asi handisi kunzwisisa mutsara wako wekupedzisira kuti, chii chawagwadamira pamwe chete nekurarira pasi? Uye hazvisi kubuda kuti iwe ndiwe ani uri kutaura.

Asi tichiri ipapo pekuti watizivisa musikana akanaka uyu, ndima yako yechipiri inobva yangotanga nenzira inoratidza kuti pane zvawanga uchifanira kuita usati wangoti, “Ndiro rake basa iri rousiku.” Nekuti kana ukashandisa izwi rekuti, “ndiro” uri kutaura kuti wambotiudza nezvebasa rake, saka iko zvino wave kungodzokera kwariri sekuyeuchudza.

Usave muranda wemabvumira, mutunhimira nemahon’era nehochekoche nekuti izvozvo zvinogona kukusunga kuti nhetembo yako itadze kutumbuka nekutambarara sezvainofanira kuita.

Ko iwe sanyanduri zvawasarudza kunyora pamusoro penyaya yakakosha kudai, wambozvipawo here nguva yekubvunza kuti icho chivhindikiti ichi chashayeiko kuti chizodai?

Ipapo ndipo pane nhetembo yako pakuzazanura chinhu ichocho nekuti kana ukangotanga nekuti “Mari yevanhurume haatongosiye,” unomuita sekuti anoita yekuba, asi ivo varume vachitoita zvekumupa zvavo.

Saka iwe woita sekuti uri kumupomera mhosva, asi ko varume vacho havanawo here mhosva? Ko musikana uyu akaramba kuti haakohwe pakarimwa nevamwe, asi kutoti anotoshandirawo mari yake unomupindura uchiti kudii?

Ndiri kuti pinda mukati, mumongo wenyaya yako utiudzewo zvatisingazive, zvinoshamisa. Uri kuita sekuti musikana uyu ndiye honzeri, ndiye ane mashiripiti ake aanoita kuti varume vamupe mari yavo. Asi vanomanikidzwa here varume ava kumupa mari? Ipapa unoda kupachenjerera sanyanduri nekuti iwe haufanire kutora divi, asi utidzidzise zvinotivhura maziso.

Zvimwe chete nepawati, “Kumba vana vofa nenzara . . .” Asika uyu musikana weusiku haana kumbobvira aenda kumba kwemunhu, asi kuti varume ndivo vanoenda kubhawa kwaanenge ari. Musikana weusiku uyu anogona kuita nharo kuti haaite sevanoba vakapata zvombo. Batawo divi revarume vari kusiya vakadzi vavo vachiita hunhu hwakadyiwa nembwa.

Ramba uchinyora. Zvinoita chete.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey