Uncategorized

‘Dhakisa mukadzi wako nerudo’

19 May, 2017 - 00:05 0 Views
‘Dhakisa mukadzi  wako nerudo’ PROPHET BRIGHTON CHIKOMO

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
VARUME nemadzimai vari muwanano vonokurudzirwa kupanana rudo ruzere kuitira kuti pasawane anoita zvegumbo mumba, gumbo kunze.

Mashoko aya akataurwa nguva pfupi yadarika naProphet Brighton Chikomo avo vanotungamirira chechi yeBright Light Prophetic Ministries iri kuNorton pagungano revanhurume pavaipihwa mazano ekubatsira kumisa nawo dzimba dzavo.

“Mwari havafare kana varume musingape madzimai enyu rudo, kana kutiwo madzimai enyu asingakupei rudo. Imi ndimi makavatora vanhukadzi ava kubva kumisha yavo, mimwe yacho iri kure zvikuru, saka vapei rudo rwacho vadhakwe narwo.

“Ukaona mumba munorwiwa kana kutukanwa, hamuna rudo nekuti rudo rwunonyaradza zvose,” vanodaro Prophet Chikomo.

Vanoti kune vamwe varume vanotora madzimai avo sevasikana vebasa, avo vanongosiira mari nekudya vachichengeta vana nemisha, asi ivo vachimhanyira kumabhawa nekunotsvaga mari.

“Zvemari nekudya zvimwe, handizvo zvavakavinga. Murume mukuru kubuda mubhawa na1 mangwanani kana kugara mubhizimisi rako kusvika kuma2 kunze kwave kuedza uchiti uchamboita mabhuku ekuhodha kana kuongorora mabhuku emari? Unowana mukadzi aenda nevakomana vemombe,” vanodaro.

Muporofita uyu nguva yadarika akamboita mbiri nenyaya yekunamatira maapples nehuchi achiti zvinobatsira vanhu mumatambudziko akasiyana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>