Dhiri rembwa nematayi emota

23 Feb, 2018 - 00:02 0 Views
Dhiri rembwa nematayi emota

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu
MURUME wekuchinjanisa matayi maviri emota nekambwanana ava kuzvidemba zvichitevera kumiswa kwaakaitwa mudare redzimhosva achinzi ari kuramba kubhadhara chikwereti che$290 chemari yavanonzi vakawirirana kuti aizotutsira pamutengo wembwanana iyi.

Koshiwayi Nyamupfudza akaendesa Sanangurai Kudzidzora kuHarare Civil Court achida kuti apihwe $290 yechikwereti chaanoti chakasara pakuchinjana kwavakaita mavhiri emota nembwanana.

“Ndakaenda kwaari ndichida mavhiri ekombi yangu akanditi anoita $60 ini ndikamuudza kuti ndine imbwa yangu inoita $350. Akati ari kuida ndichibva ndamuti abvise mari yemavhiri andakanga ndatora ondipa $290 yakasara, zvino haachada. Ava kungonyepa kuti hatina kuwirirana izvozvo,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti musi waakaratidza Kudzidzora magwaro ekuti ari kudiwa kudare, akamuudza kuti aida kusandura zvose zvavakange vawirirana.

“Musi wandakaenda nemapepa anoratidza kuti ari kudiwa kuno kudare, akanditi ari kuda kuchinja mari nezvese zvatakawirirana kuti ndisawane mari yangu,” anodaro.

Kudzidzora anoti musi wakauya Nyamupfudza achida kutenga matayi emota, akasvikotaura nemushandi wake uyo anova akazomudevedza achida kunzwa kuti anobvuma here zvaaida.

“Akauya pabasa pangu achida kutenga mavhiri maviri ekombi anoita $200 ese asi haana kuona ini, akaona mushandi wangu uyo waakataura naye zvekuda kumupa kambwanana iye opihwa mavhiri. Mushandi wangu ndiye akandidaidza achida kuona kuti ndinozvibvuma here, handina kuona dambudziko pazviri. Asi ndakazoshamisika ndava kunzi ndine chikwereti chake, ndakatoti pamwe zvaperera ipapo,” anodaro Kudzidzora.

Anoti ari kudemba kuti dai akaziva asina kubvuma kupihwa kambwanana kaive nemwedzi miviri chete panguva iyi.
“Dai ndakaziva ndakaramba hangu nekuti zvava kundipinza mudambudziko apa kambwanana chaiko kanenge kaitova nemwedzi miviri paakandipa zvekuti mari yaari kutaura kuti aikatengesa nayo yakawandisa,” anodaro.

Mutongi Nyasha Marufu akati vaviri ava vadzoke kudare nevafakazi vavo musi wa27 Kukadzi apo kutongwa kwenyaya yavo kuchaenderera mberi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey