Kwayedza
MUTAMBI weManchester United, Angel di Maria, anonzi anogona kudzokera kuReal Madrid mwaka unotevera atengeswa kuti chikwata chake chitenge mumwe anotamba, sekutaura kwaTerry Gibson.
Chizvarwa chekuArgentina, di Maria, ari kutatarika zvikuru kuOld Trafford kubva zvaatengwa kubva kuLa Liga nemari inosvika 60 miriyoni euros uye mapepanhau eko ari kuti anogona kutengeswa kuReal Madrid.
Pari zvino ari kunetseka kupinda muchikwata chaLouis van Gaal chekutanga, ukowo United iri kutamba nhabvu inodakadza zvikuru muPremier League.
Kunyangwe hazvo akati angashamiswe zvikuru kana akabva kuchikwata ichi pangopfura mwaka mumwe chete, Gibson anoti di Maria anogona kutengeswa United ichitenga mumwe mutambi.
Achitaura paLa Liga Weekly Podcast, akati, “Zvichangoendererana nemari inodiwa uye hunge kana Manchester United ichida kuita rimwe bhizimisi neReal Madrid kana kuti iyo Real Madrid.
“Zvikwata izvi zvingaite rimwe bhizimisi mwaka unotevera? Ndingashamiswe zvikuru kuona di Maria achidzokera kuReal Madrid,” akadaro. — Sky sports news.