Division One, World Navi ukama hwosimbiswa

05 Dec, 2014 - 09:12 0 Views

Kwayedza

SACHIGARO weDivision One Northern Region League, Willard Manyengavana, anoti ligi ravo nevakotsveri veWorld Navi vachapinda muhurukuro nguva pfupi iri kutevera iyo ichaona vachinyorerana patsva chibvumirano chekuti kambani iyi irambe ichivatsigira.

Achitaura svondo radarika muHarare pamhemberero dzekugadza World Navi

Soccer Star of Year, Manyengavana akati hukama hwavakaumba neWorld Navi gore rino hwakasimba zvikuru.

Anoti kondirakiti yavo ichapera musi waZvita 31 gore rino uye vachagara pasi kuti vagosainirana imwe zvakare.

“Kuuya kwakaita World Navi kuzokotsvera ligi redu kwakatibatsira zvikuru sezvo nhabvu yemuNorthern Region yakatanga kusimba uye kwakativhurira mikana yakawanda nekuti pane mamwe masangano ave kuda kutikotsvera.

“Ligi redu range risina zita asi kuuya kweWorld Navi kwakatibatsira kuvaka zita redu uye nhabvu yave kutambwa kuNorthern Region inodakadza zvikuru.

“Kondirakiti yatange tinayo neWorld Navi iri kupera musi waZvita 31 asi takatotanga hurukuro navo kuti tiiwedzere kusvika mwaka wenhabvu unotevera uye panguva ino tave kuvaudzawo zvatinodawo kubva kwavari,” akadaro Manyengavana.

Nekune rimwe divi, chamangwiza weWorld Navi, Yoshifumi Sawada akati sangano ravo riri kutarisira kuramba richishanda neWorld Navi mugore rinotevera.

“Hukama hwedu neDivision One Northern Region hunofadza zvikuru uye isu takazvipira kuramba tichivakotsvera mugore ra2015.

“Sekuvimbisa kwedu mutambi achahwina mubairo weSoccer Star tichamutumira kuJapan kumatrials nechikwata cheVissel Kobe icho chinokwikwidza muligi reJ-League,” akadaro Sawada.

Zvakadaro, Zivanai Mhanda weMushowani Stars ndiye akahwina mubairo weSoccer Star of the Year World Navi Northern Region.

Mhanda akahwiniswa motokari, mukombe uye achawaniswa mukana wekunozama mhanza yake mune zvenhabvu kuJapan gore rinotevera.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>