‘Division One yakaoma’

18 Mar, 2022 - 14:03 0 Views
‘Division One yakaoma’ Hardlife 'Nairobi' Zvirekwi

Kwayedza

Abel Ndooka

MUTAMBI weSimba Stars FC, Hardlife ‘Nairobi’ Zvirekwi, anoti nhabvu inotambwa muDivisione One haina kumbopfava sezvo zvikwata zvose zvichitamba kunge zvichadambuka makumbo nechinangwa chekurwira kupinda muCastle Premiership.

Mushure mekunge atamba kwemakore muPSL, Zvirekwi, mwaka uno akatengwa neSimba Stars iyo iri kurwa semvumba muNorthern Region Division One sezvo iri kuda kupinda muPSL mwaka unotevera.

Mutambi uyu, uyo akambotambira zvikwata zvinosanganisira CAPS United nemaWarriors, anoti mitambo yemuDivision One yakaoma uye inonakidza.

“Division One yakaoma zvikuru ndiko kune bhora rese nekuti zvikwata zvose zvirimo zvine chinangwa chimwe chete – chekurwira kupinda muPSL. Saka hakuna chakanaka, kunenge kuchitomhanyiwa zvakasimba,” anodaro.

Anoti kuSimba Stars FC haasi kungotamba nhabvu chete, asi ari kupota achipakurira ruzivo rwaawana munhabvu kwemakore akawanda kune vatambi vechidiki.

“Kuchikwata chedu, ndini mumwe wevatambi vakuru saka ndiri kutora chikamu chikuru mukupa dzidziso kune vechidiki ndichivarakidzawo gwara rakanaka rekufamba naro. Kuti ndisvike pandave iye zvino, ndakabva kure uye ndakaona zvakawanda. Naizvozvo ndinofanirwa kupa vechidiki mazano kuti vafambire mberi mumutambo uyu vadarike patakasvikawo isu munhabvu,” anodaro.

Gore rino, Zvirekwi ari kusvitsa makore 35 okuberekwa ayo vamwe vanenge vave kutosendeka shangu dzavo dzekutambisa nhabvu.

Asi anoti achiri kuda kutamba nhabvu kwemamwe makore maviri kana matatu.

“Ndega ndichiri kuzvinzwa kuti ndinokwanisa kuramba ndichitamba nhabvu kwemamwe makore maviri kana matatu chaiwo. Handisati ndapera, asi makore andataura akasvika ndinenge ndave kutosiya zvekutamba nhabvu,” anodaro.

Zvakadaro, svondo rino Simba Stars iri pamusha kuShamva apo ichasangana neHarare City Cubs musi weMugovera

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>