Uncategorized

Dutumupengo Chalane rauya

31 Dec, 2020 - 14:12 0 Views
Dutumupengo Chalane rauya REFILE - ADDING NAME OF CYCLONE A man looks at a washed away bridge along Umvumvu river following Cyclone Idai in Chimanimani, Zimbabwe, March 18, 2019. REUTERS/Philimon Bulawayo TPX IMAGES OF THE DAY

Kwayedza

Muchaneta Chimuka ari kwaMUTARE naKingstone Mapupu ari muHARARE

MVURA ine dutumupengo (Tropical Storm Chalane) inotarisirwa kutanga kunaya muZimbabwe nemusi weChitatu uno uye Hurumende yakatotanga chirongwa chekubvisa vanhu vekudunhu reManicaland munzvimbo dzakatarisana nenjodzi yemafashamu vachiendeswa kwakanaka.

Mvura iyi inotarisirwa kunaya zvine simba munzvimbo dzinosanganisira Chipinge neChamanimani uye ichizopararira nenyika yose.

Hurumende yakatanga chirongwa chekutakura vanhu vari munzvimbo dzine njodzi yemafashamu ichivaendesa kusina njodzi.

Bazi rinoona nezvemamiriro ekunze, reMeteorological Services Department (MSD) rinoti mvura iri kutarisirwa kunaya yakawandisa kumatunhu ose eZimbabwe uye zvekudzika 50mm kune dzimwe nzvimbo.

Mvura iyi – iyo hore yacho iri kubva nekunyika yeMozambique ichidarika nemuZimbabwe ichienda nekuBotwsana – iri kutarisirwa kunaya kubva musi weChitatu kusvika Chishanu chegore idzva.
Tropical Storm Chalane inonzi haina simba ringainzaniswa nedutumupengo Tropical Cyclone Idai iyo yakauya nemuZimbabwe gore rapera ndokukonzera kufa nekutsakatika kwevanhu vakawanda nekuparadza zvivakwa zvinosanganisira mazambuko, zvikoro nedzimba.

Svondo rino, vanhu vari munzvimbo dzine njodzi kuChimanimani nekuChipinge – kunyanya vanga vachiri kugara mumatende nekuda kwekuparadzirwa misha yavo neCyclone Idai – vakatotanga kutakurwa nemarori nemabhazi eHurumende vachiendeswa kumatunhu akakodzera anosanganisira muzvikoro nezvimwe zvivakwa zvakasimba.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoyambira veruzhinji kuti vangwarire munguva ino nekuda kwenjodzi inogona kukonzerwa nemvura ine dutumupengo iyi.

“Iyambiro yedu semapurisa kuti vanhu vatevedzere zvose zvavanotaurirwa kuti vaite nenyanzvi nekuda kwemvura yapinda munyika yedu yeCyclone Chalane inosanganisira mvura hobvu iine mhepo ichazadza nzizi nemadhamu nekuparadza zvimwe zvinhu. Tinoti vanhu vasayambuke nzizi dzizere sezvo zviine njodzi yekugona kuyeredzwa vachifa uyewo nekurumwa nezvikara zvakaita semakarwe nenyoka,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>