Uncategorized

Dzidzasai bumbiro remutemo: Mudenda

16 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
Dzidzasai bumbiro remutemo: Mudenda Advocate Mudenda

Kwayedza

Lawrence Chitumba
MUTAURIRI wedare reNational Assembly, Advocate Jacob Mudenda, vanokurudzira kuti muzvikoro munge muchifundiswa nyaya dzezvebumbiro remutemo renyika, zvikuru kumayunivhesiti nemakoreji, kuitira kuti vagari vemuZimbabwe vazive zvinodiwa nemitemo yenyika yavo.

Vachitaura pachirongwa chekukushwa kwemashoko kune veruzhinji, chePublic Outreach Programme for Tertiary Institutions, icho chakaitirwa kuBindura svondo radarika, Adv Mudenda vanoti chikamu cheSection 7 chebumbiro remutemo wenyika chinoti Hurumende inofanira kupa mashoko eruzivo maringe nebumbiro renyika uye kuti zvinge zvichifundiswa muzvikoro.

Adv Mudenda vanoti bumbiro remutemo rinofanira kukurudzira vanhu vose senzira yekuti vange vachiwaniswa ruzivo.

Vanoti zvakakosha kuti bumbiro remutemo renyika ringe richiiswa mumitauro yose yemuZimbabwe.

Vanobvunzawo kana paine matanho ari kutorwa nevanoona nezvedzidzo maringe nekufundiswa kweruzhinji pamusoro pebumbiro remutemo wenyika.

“Makasvikawo papi sezvikoro zvepamusoro kuti munge muchiisa zviri mubumbiro remutemo renyika mumitauro yemuno kuti inge ichisvika kune veruzhinji?” vanodaro.

Adv Mudenda vanoti chirongwa chekukushwa kwemashoko ichi chakatangwa nedare reParamende mushure mekuona kuti chinofanira kunge chichipinda muzvikoro zvepamusoro kuitira kuti vashande pamwe chete.

“Kufundisa vanhu maringe nebumbiro remutemo kwakakosha uye ibasa reParamende kuti mashoko aya asvike kune veruzhinji,” vanodaro.

Adv Mudenda vanopembedza Professor Wiseman Magwa vekuReformed Church University nekushanda kwavari kuita nevadzidzi vari kumayunivhesiti akadai seMidlands State University, Lupane State University, Chinhoyi University of Technology, Great Zimbabwe University mukuisa bumbiro remutemo kumitauro inosanganisira Tonga, Shona, Ndebele neKalanga.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>