Ebola: Vana 3 700 vava nherera

09 Jan, 2015 - 09:01 0 Views
Ebola: Vana 3 700 vava nherera

Kwayedza

SANGANO reUnited Nations Children’s Fund (Unicef) rinoti vana vanodarika 3 700 vava nherera kunyika dziri kudunhu reWest Africa zvichitevera kurasikirwa nevabereki vavo nekuda kwechirwere cheEbola.

Ongororo iyi inoratidza kuti huwandu hwenherera uhu huri kuramba huchiwedzera apo chirwere ichi chiri kudzika midzi kunyangwe zvazvo paine matanho ari kutorwa nemasangano akasiyana ekuti chiderere.

Zvisinei nekuti kune masangano akadai seSalesian Mission, Doctors Without Borders, World Food Programme nemamwe ari kuedza kubatsira nherera dziri kunyika dzine chirwere ichi, pachine mukaha mukuru nekuti rutsigiro rwunodiwa harusi kuvakwanira.

Hurumende dzenyika dzine Ebola dziri kuramba dzichikumbira rubatsiro kumasangano akazvimiririra.

Rubatsiro urwu rwunosanganisira kuvakwa kwedzimba dzekuchengetera nherera dzinenge dzichifungirwa kuti dzinogona kudaro dziine chirwere ichi, idzo dzinodaidzwa kunzi ma”sick bay”, chikafu, mari dzechikoro pamwe nekudzidziswa kwevabatsiri venherera idzi kuti dzigozodzorerwa kumisha kune hama dzadzo.

Sangano reUnicef rine vashandi vanodarika 92 vari kunyika idzi avo vari kubatsira nherera idzi nekupanga mazano nezvimwe.

Zvakadaro, pachine dambudziko guru rerusarura apo dzimwe hama dzenherera idzi dziri kunzi dziri kuramba kuvatambira nekutyira kuti vana ava vanogona kudaro vakasiirwawo utachiona hweEbola nevabereki vavo.

Izvi zvave kukonzera kuti nherera zhinji dzinge dzichigara kure nehama, dzichichengetwa kumizinda yakasiyana iyo yakavambwa nemasangano akazvipira kubatsira.

Apo chirwere ichi chiri kuramba chakatekeshera, nherera zhinji dziri kukundikana kuenda kunobaiswa majekiseni ekudzivirira zvirwere.

Sangano reUnicef riri kuita basa guru rekuona kuti vana vari kunyika idzi vabaiswa majekiseni kuitira kuti vasafe nekuda kwezvirwere zvinogona kudzivirirwa.

Zvakadaro, chirwere cheEbola chave kugura ukama hwemhuri kunyika idzi nekuti kubvira pasichigare kana mubereki akashaya vana vanotorwa nedzimwe hama dziri pedyo. Vamwe vana vari kusara vari voga apo vabereki vavo vanenge vaiswa kumizinda yekurapirwa kana kuti vakatenherwa mushure mekufungidzirwa kuti vanogona kudaro vaine Ebola.

Izvi zviri kuisa upenyu hwevana ava panyanga dzamushore nekuti panguva iyo vanenge vasina mutariri, pane mikana yekuti vange vachibatwa chibharo, kushungurudzika mupfungwa izvo zvinoita kuti vashaye tariro neupenyu pamwe nekurasika kwetsika nemagariro, dzidzo nezvimwe.

Kunyika dzakadai seSierra Leone, Liberia, Guinea, Democratic Republic of Congo nedzimwe vanhu vakambenge vabatwa nechirwere ichi vakapukunyuka vanonzi vanenge vasisakwanisa kuchibatira zvakare.

Nokudaro vanhu ava ndivo vari kudzidziswa kuti vange vachibatsira nenherera dziri kusiiwa nekuda kweEbola. KuGuinea, Unicef yakatsigira vana vanodarika 60 000 uye iri kutsvaga rubatsiro rwechimbi-chimbi rweUS$200 miriyoni yekubatsira vana nemhuri dziri kutambudzwa nechirwere ichi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>