Ennis-Hill odzoka mudariro

27 Mar, 2015 - 00:03 0 Views

Kwayedza

SHANGWITI yemujaho wekumhanya, Jessica Ennis-Hill, oti ava kudzoka kuzopinda mumijaho zvichitevera kumbozororora kwaakamboita kwemakore angangosvika maviri mushure mekusununguka mwanakomana wake, Reggie. Ennis-Hill (29), uyo anove shasha yekusvetuka zvakare, achange achipinda mumujaho wekumhanya pamwe nekusvetuka kumakwishu eGreat CityGames.

Imwe nyanzvi yemujaho zvakare, Katarina Johnson-Thompson (22), achapinda mumijaho ichaitwa mumugwagwa mukuru wekuManchester weDeansgate musi waChivabvu 9.

Ennis-Hill anoti atononokerwa nekudzoka mudariro uye anoda kudzoka zvine mutsindo.
Chizvarwa chekuSheffield, Ennis-Hill, akapedzisira kupinda mumakwikwi pamhemberero dzeAnniversary Games idzo dzakaitirwa kuLondon muna Chikunguru 2013 apo akaita nhamba 4 mumujaho wekumhanya nekusvetuka mamita100.
Vatsigiri vanodarika 25 000 vachaona kudzoka kwake mumakwikwi aya.

Johnson-Thompson, uyo ari kusimukira zvakanyanya munyaya dzemijaho, akaratidza kuti ishasha yemhando yepamusoro panguva iyo Ennis-Hill ainge ari pazororo.

Chizvarwa chekuLiverpool, Johnson-Thompson, akadarika chikero chakambosvikwa naEnnis-Hill pakusvetuka, kumhanya pamwe nekukanda (discus) apo akawana mapoinzi 4 965 mumijaho yakasiyana. Mudzimai uyu akasvitsa zvakare mapoinzi 5 000 kumakwishu eEuropean Indoor Championships ayo akaitirwa kuPrague. — BBC Sport.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>