Uncategorized

‘Epworth kuruzevha’

20 Nov, 2015 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Nyasha Chabvonga
VANHU vaive mudare vakashamiswa apo mumwe mukadzi wekuEpworth akati anoda kuwedzerwa mari yemendenenzi nemurume wake nekuti ari kuda kutsvaga imwe nzvimbo iri nani yekugara sezvo kwaari, parizvino musha uyu hauna kusina nekumaruwa.

Joice Mupangula akamhan’arira Tinashe Masedze kuHarare Civil Court achida kuwedzerwa mari yemendenenzi kubva pa$60 kusvika pa$150 pamwedzi.

“Ndinoda undiwedzerewo mari kuti ndichinje pokugara. Vana vava kugara vachindinetsa, hanzi kuEpworth kumusha sezvo kusina magetsi uye dzimba dzacho vanoti dzakashata,” akadaro Mupangula

Akaenderera mberi achiti mumwe mwana wavo ave kuda kuzotanga Zero Grade saka anoda mari yekumubhadharira chikoro nekutenga yunifomu.

“Vedare imwe mari ndinoda kuishandisa kutenga mayunifomu nezvose zvinodiwa zvemwana anofanira kutanga Zero Grade gore rinouya pamwe nekubhadhara fizi,” akadaro.

Masedze akati haakwanise kubhadhara mari yaidiwa naMapangula nekuti ane imwe mhuri pamwe nehama dzake.

“Ini mari yauri kuda kuti ndikuwedzere handiikwanise nokuti ndine mhuri yandinayo uye ndinochengeta muzukuru wangu anoenda kuchikoro,” akadaro.

Mutongi Babra Mateko akati Masedze abvise $80 pamwedzi woga-woga.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>