Fowler mumakwikwi eIrish Open

21 Nov, 2014 - 00:11 0 Views

Kwayedza

SHASHA yemutambo wegorofu, Rickie Fowler, achapinda mumakwikwi eIrish Open ayo achaitirwa kunhandare yegorofu yeRoyal County Down.
Chizvarwa chekuAmerica, Fowler, akatsinhira achiti achapinda mumakwikwi aya muna Chivabvu gore rinotevera. Fowler, uyo akatamba zvinodakadza kumakwishu makuru anokwana mana akaitwa gore rino, ishamwari yenyanzvi yegorofu pasi rose, zvikuru sei yemakwikwi eCounty Down aya, Rory Mcllroy.

Hushamwari hwavo hwakatangira munhandare yegorofu iyi apo vaikwikwidza mumukombe weWalker Cup mugore ra2007.
“Zvinenge zvakanaka kana tose tikakweshana pekupedzisira, kufanana nemakwishu makuru akaitwa gore rino. Ndinofunga kuti zano raRichie rekupinda mumakwikwi aya rinoratidza kuti nyika yaanomirira yeIreland ine nhandare dzakanaka zvikuru uye zvinotsigirwa zvakare nekudokwairira kwatinoita makwikwi eIrish Open kuti tibuditse pachena kunaka kwaakaita,” akadaro — BBC Sport.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>