Gabon: Ndevapi vari kuenda?

23 Dec, 2016 - 00:12 0 Views
Gabon: Ndevapi vari kuenda? Tendai Ndoro

Kwayedza

PANGUVA iyo chikwata chenyika chemaWarriors chiri kuita gadziriro dzekuenda kumutambo weAfrican Cup of Nations (Afcon) kuGabon gore rinotevera, mubvunzo une vatsigiri vazhinji pamwe nevaongorori venhabvu ndewekuti ndevapi vatambi vekumberi (strikers) vachabudirira kuenda kumakwishu aya.Svondo rapera, murairidzi wechikwata ichi, Calisto Pasuwa, akadoma mazita evatambi vanosvika 31 vanotambira munyika muno nekunze kuti vange vachipinda mugadziriro dzemutambo uyu.

Huwandu hwevatambi ava, avo vazhinji vacho vakatamba mumitambo yemaWarriors pavairwira kuenda kuAfcon, huchadzikiswa kusvika pa23.

Zvakadai, vatambi vekumberi vakadomwa naPasuwa ndevanoti: Knowledge Musona (KV Oostende, Belgium), Nyasha Mushekwi (Dalian Yifang, China League One), Cuthbert Malajila (Bidvest Wits, South Africa), Tendai Ndoro (Orlando Pirates, South Africa), Evans Rusike (Maritzburg United, South Africa), Mathew Rusike (Helsingborgs IF) naTinotenda Kadawere (Djurgaderns IF).

Munguva inotevera, maWarriors achatamba mitambo yehushamwari nezvikwata zvinoti Cote dā€™ Ivoire, Cameroon nemimwe ichiri kurongwa.

Kwayedza svondo rino yakaita ongororo yevamwe vatambi vemaWarriors vekumberi, zvikuru matambiro avange vachiita kuzvikwata zvavo.

Knowledge Musona

Musona mumwe wevatambi vemaWarriors vakatamba zvinonwisa mvura apo airwira tikiti rekuenda kunokwikwidza kuAfcon.

Knowledge Musona,

Knowledge Musona,

Mutambi uyu akanwisa katatu mumitambo yemaWarriors uye anotarisirwa kunge ari mundege ichaenda kuGabon.

Musona parizvino akwanisa kunwisa kasere kubva mumitambo 16 yaatamba muBelgium Pro League uye akabatsira vamwe vatambi vemuchikwata chake cheKV Oostende kunwisa katatu.

Nyasha Mushekwi

Mushekwi akatamba zvinodadisa mumwaka wake wekutanga muchikwata chake cheDalian Yifang kuChina izvo zvakamuona achinwisa ka20 kubva mumitambo 30 yaakatamba. Shasha iyi yakapotsa nepadiki kuhwina mubairo weTop Goal Scorer muligi reChina League One.

Nyasha Mushekwi

Nyasha Mushekwi

Mushekwi, haana kuwana nguva yakawanda yekutambira maWarriors izvo zvakaona achitadza kunwisa kana kamwe chete zvako.

Asi matambiro aange achiita makore adarika – kunyanya kuChina nekuSweden uko kwaakasiya mukurumbira – achatemesa Pasuwa musoro achifunga kuti otakura here kana kusiya mutambi uyu.

Cuthbert Malajila

Malajila akabatsira zvikuru mumitambo yemaWarriors sezvo akanwisa kaviri kubva mumitambo mitanhatu yakatambwa nechikwata ichi chichirwira kuenda kuGabon.

Mutambi uyu, kuBivest Wits mwaka uno zvinhu zvinenge zvisiri kumufambira zvakanaka sezvo angonwisa kamwe chete kubva mumitambo 12 yaatamba.

Cuthbert Malajila

Cuthbert Malajila

Malajila ari kufanirwa kukwidziridza masokisi ake kana achida kuve muchikwata chaPasuwa chichaenda kuGabon.

Tendai Ndoro

Kana paine mutambi ari kupisa parizvino kubva muZimbabwe ndiNdoro uyo ari kunwisa paanenge adira kuchikwata chake cheOrlando Pirates.

Kubva mumitambo 12 yaatamba mwaka uno, Ndoro anwisa ka11 uye ndiye ari kutungamira muAbsa Premier League pavatambi vanwisa kakawanda.

Tendai Ndoro

Tendai Ndoro

Anomutevera wacho, Lebogang Manyama, anove chizvarwa chekuSouth Africa anotambira Cape Town City uyo anwisa kasere kubva mumitambo 14 yaatamba.

Ndoro haana kumbopihwa mukana wakakura naPasuwa maWarriors paairwira kuenda kuAfcon sezvo akangotambiswa mutambo mumwe chete weMalawi uyo akazoburitswa.

Evans Rusike

Rusike akawaniswa mikana mizhinji naPasuwa mumitambo yemaWarriors uye pamitambo mitatu yaakatamba, akanwisa kamwe chete.

Mwaka wadarika, Rusike ndiye akapedza ari Top Goal Scorer kuchikwata chake che Maritzburg United uko akanwisa kapfumbamwe muligi. Asi mwaka uno zvinhu zvinenge zvisiri kumufambira zvakanaka sezvo akwanisa kunwisa kaviri chete kubva mumitambo 14 yaatamba.

Evans Rusike

Evans Rusike

Zvakadaro, Leonard Tsipa weCAPS United uyo akapedza ari pamusoro pakunwisa mabhora mumitambo yeCastle Lager Premier League apo akanwisa ka11 haasi pakati pevatambi vakasarudzwa naPasuwa kuti vange vachienda kuGabon.

Muchinda uyu nguva yadarika akabuda pachena kuti anoshuvira chaizvo kushevedzwa naPasuwa kuti aende kuAfcon, kunyangwe hazvo asina kumbobvira atamba kana mutambo mumwe chete wemaWarriors.

 

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>