Gadziriro dzeAll Africa Games dzatanga

18 Jan, 2024 - 12:01 0 Views
Gadziriro dzeAll Africa Games dzatanga Tendai Tagara

Kwayedza

Abel Ndooka

SHANGWITI dzekumhanya kubva kumapurovhinzi akasiyana dziri kutarisirwa kukwikwidza mumujaho mukuru weBaldmin Holdings Triangular Series uyo uchaitirwa kunhandare yeNational Sports Stadium, muHarare nemusi wa27 mwedzi uno. Mujaho uyu uri kurongwa neNational Athletics Association of Zimbabwe (NAAZ) yakabatana neveBaldmin Holdings.

Makwikwi aya achashandiswa segadziriro dzevatambi vachazoenda kunokwikwidza kumitambo yeAll Africa Games kuGhana munaKurume gore rino.

Mutungamiriri weNAAZ – Tendai Tagara – anoti vane chivimbo chikuru chekuti kuchauya shasha dzakawanda kuzokwikwidza mumujaho uyu.

“Kubvira nekubvira mujaho weBaldmin Holdings unowanzoitwa munaKubvumbi asi takaronga kuti uitwe gore richitanga nekuti kune mijaho mikuru iyo tinoda kutumira shangwiti dzedu kuti dziende kunokwikwidza.

“Kutanga kwaKurume kune mitambo mikuru yemuAfrica yeAll Africa Games uko tinoda kutumira shasha dzedu dzichanokwikwidza kumujaho uyu.

“Saka mujaho weBaldmin Holdings Triangular series mumwe wemijaho iyo shasha dzemuno dzinofanirwa kuhwina kana vachida kuenda kunokwikwidza kumaAll Africa Games nemimwe ichazotevera,” anodaro Tagara.

Anoenderera mberi achiti: “Gadziriro dzemutambo uyu dzasvika padanho repamusoro uye purovhinzi yeHarare, iyo iri kuronga mutambo wegore rino, yakatizivisa kuti yagadzirira kutanga kwemutambo uyu saka tine chivimbo chekuti mijaho yese ichafamba zvakanaka nekuti ichange ichitungamirirwa nevatungamiri vane magwaro epamusoro-soro epasi rose.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>