Gadziriro dzemaOlympics dzotanga

14 Nov, 2014 - 00:11 0 Views

Kwayedza

GADZIRIRO dzemakwikwi eSpecial Olympics World Summer Games ayo chikwata cheZimbabwe chichanokwikwidza nguva pfupi inotevera kumitambo yakasiyana kuLos Angeles, kuUnited States dzave padanho repamusoro.

Sangano reZimbabwe Special Olympics svondo rapera rakaita mabiko ekutsvaga mari yekushandisa pakuzotumira chikwata chenyika kumutambo uyu.

Zimbabwe inotarisirwa kutumira chikwata chine nhengo 37, vatambi vemitambo yakasiyana 25 pamwe nevarairidzi vacho 12.

Chamangwiza weSpecial Olympics Zimbabwe, Molly Matambanashe, anoti pamabiko esvondo radarika vaitsvaga US$25 000 iyo ichazoshandiswa kutenga matikiti endege pamwe nemayunifomu ezvikwata zvavo.

Matambanashe anoti mari inokwana kuti vagotumira chikwata chavo kumitambo iyi gore rinotevera inosvika US$88 000.

“Takawana rutsigiro rukuru svondo radarika uye tinonzwa kukombererwa nemafambiro akaita mabiko edu atakaita ekutsvaga mari iyi.

“Hatina hedu kuwana mari yatainge tichida asi rutsigiro rwatakawana rukuru zvikuru uye ndinovimba kuti mari yese yatinoda tichaiwana.

“Mari yese yatinoda kuti tigoenda kumutambo uyu i$88 000 pamwe chete, vatambi vedu havana kana kobiri ravachabvisa, isu tisu tichavabhadharira zvese,” akadaro Matambanashe.

Anoti zvimwe zvikoro zvakaita seMufakose neFalcon yekuChakari zviri kubatsira kutsvagira vatambi vazvo mari yekuvatumira kumitambo iyi.

Anoti chikwata chavo chakasarudzwa kare apo pakaitwa mutambo wemaSpecial Olympics Gala muna Nyamavhuvhu.

Zvakadaro, Matambanashe anoti vachaita mutambo wegolf musi waMbudzi 20 paChapman Golf Club muHarare apo vachange vachitsvaga mari zvekare yechikwata chavo.

Chikwata cheZimbabwe chichaenda kumutambo uyu chichanokwikwidza mumitambo inoti gorofu, athletics ne7 aside soccer.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>