Uncategorized

Gava rofungirwa kuti ndere varoyi

20 May, 2021 - 14:05 0 Views
Gava rofungirwa kuti ndere varoyi Gava

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VAGARI vekuChitungwiza vanoti gava rakapinda mune imwe imba iri kuUnit A nemusi weChishanu wadarika rinogona kunge riine chekuita nemabasa ehuroyi sezvo nzvimbo iyi isina masango ari pedyo ane mhuka dzakadai.

Gava iri rakapinda panhamba 1535 Unit A uye rakazopfurwa neveZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority (ZimParks).

Imba yakapinda gava iri inogara maroja anokwana mashanu sezvo varidzi vemba vasingagarepo.
VaAlfonce Mutengi (27) vanova roja rine mumba makapinda gava rikazoonekwa rahwanda pasi pemubhedha wavo vanoti zvakaitika izvi zvinotyisa.

“Handichagona kuramba ndichigara pano, kugara mumba makapindwa negava? Zvinotyisa, ndave kutotsvaga zvangu imba nditame,” vanodaro VaMutengi.

Kuchiti Mai Evonnie Mandina (39), avo vanova muvakidzani, vanoti gava iri vakariona richimhanya richitandaniswa nembwa.

“Kuno hakuna masango kana mapani ane huswa, saka gava iri rakabva kupi? Nderevaroyi vapesana naro kunze kwayedza chete. Tinonzwa kuti kune mudzimai wechechi yeJohane Masowe akatanga kusangana negava iri akabva afenda achingoriona, kureva kuti nderevaroyi. Mukadzi uyu akazomuka mushure mechinguva, sekutaura kwevanhu vakazviona mushure mekunge anamatirwa,” vanodaro Mai Mandina.
Mercy Garwe (29), muvakidzani zvakare, anoti gava iri nderevaroyi sezvo rairamba kutarisana nevanhu kumeso.

“Gava iri rainyara mufunge, raiva munhu chaiye. Ini ndinogara pa1405 ndakariona paitakurwa mabhini nevanhu vekanzuru apo vamwe vaiti raiva rabuda mubhini, hamheno kana chiri chokwadi.
“Masango anowanikwa kwaChikwanha kure uko nekuMayambara saka hazvaimbokwanisika kuti gava iri ribve kure ikoko, muroyi akayedzerwa uyu,” vanodaro Mai Garwe.
Mai Mirriam Nharaunda (50) vanotiwo: “Chivanhu ichi, igava revaroyi iri hatizvirambe isu.”
Mashoko avo anotsinhirwa naMai Colletta Mutero (41) vachiti svondo rapera kwakauya tsoko yaikwira pamusoro pedzimba ichidongorera vanhu munzvimbo iyi.“Kwakauya tsoko yakanetsa muno yaidongorera vanhu mudzimba nekukwira pamusoro pemba. Takashaya kuti yakabva kupi. Nhasi kwasvika gava, kunoda maporofita nen’anga dzinochenura kuno nekuti varoyi vanyanya,” vanodaro Mai Mutero.

Beverley Nharaunda (22) anogara pamba pakapinda gava iri anoti akazongonzwa kuti mhuka iyi yaive yapinda mumba.

“Ndakazongozvinzwa kuti mumba menyu mapinda gava asi fungiro yangu inoti igava revaroyi. Ini ndiri muzukuru, varidzi vemba havagare pano,” anodaro Beverley Nharaunda.

Kuchitiwo Takudzwa Sachiti (34), muvakidzani wepamba pakapinda mhuka yesango iyi anoti vave kugara vachitya nekuda kwezviri kuitika munzvimbo yavo.

“Muno mave kutyisa kugara, tave kuita setiri kuGonarezhou kunogara mhuka dzesango isu tiri mukati merukisheni. Svondo rakapera taiva netsoko, svondo rino tine gava. Vakuru ngavatipe nguva timbovhenekana muchiporofita nemun’anga,” vanodaro VaSachiti.

Asi, mutauriri weZimparks – VaTinashe Farawo – vanoti zvinowanikwa kuti gava rinorasika kubva kumasango richinopinda munzvimbo dzinogara vanhu.

“Inyaya dzinowanikwa kuti mhuka dzesango dzinoenda munzvimbo dzinogara vanhu dzabva kumasango saka tichizodziuraya,” vanodaro VaFarawo.

VaFarawo

Kanzura weWard 21 kuChitungwiza North, VaKudakwashe John (34), vanoti ichi chishamiso kuti gava rinowanikwa mukati memusha makadai.

“Kuno hakuna masango, hatitarisire kuona gava kana dzimwe mhuka dzemusango. Ndinonzwa kuti svondo rakapera kwaiva netsoko, nhasi tine gava, hatina watinonanga kuti muroyi asi zvinoshamisa,” anodaro Kanzura John.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>