Uncategorized

gillingham primary yatora mukombe

01 Jul, 2016 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Ndivo No. 1 pazvivakwa zvakanaka nekutsvinda l Budiriro inobva muvabereki: Mukuru wechikoro

Chikoro ichi chakapihwa mubairo uyu nebazi redzidzo yepuraimari nesekondari.GILLINGHAM Primary School, iyo iri kuDzivarasekwa, muguta reHarare, yakadadisa zvikuru zvichitevera kupihwa kwayakaitwa mubairo wekuve chikoro chine zvivakwa zvakanaka pamwe chete nekutsvinda kudarika zvimwe zvose mudunhu reWarren Park/Malbereign.

Mukuru wechikoro ichi, Mai Reresia Madzokere, vanoti budiriro yose iri pachikoro ichi inobva kurutsigiro rwevabereki pamwe nevari muchiuto sezvo chiri pedyo nekamba yemasoja eDzivarasekwa Presidential Guard.

“Chikoro chino chakavambwa mugore ra1963. Vabereki ndivo vari kutitsigira nekubhadhara kwavari kuita mari dzechikoro, tichizobatsirwawo nevari muchiuto pakutivakira zvivakwa zvinenge zvichidiwa.

“Mudunhu rino, Gillingham Primary ndiyo yakatora mubairo mukuru wekuve nezvivakwa zvemhando yepamusoro,” vanodaro Mai Madzokere.

Vanoti vana vavo vari kubatsirikana zvakanyanya muchidzidzo cheShona kuburikidza nekushandisa bepanhau reKwayedza sezvo riine zvikamu zvedzidzo zvinobatsira vana vepuraimari nesekondari.

“Gore rapera pamberi, vana vedu veGrade 7 vakapasa Shona nechikamu che76% uye ndicho chikamu chavaingotambira mumakore adarika.

“Asi gore rapera takaona vachisimukira muchidzidzo ichi kuenda pa96% kuburikidza nekushandisa bepanhau reKwayedza.

“Tinotoda kudarika apa kuburikidza nekudyidzana neKwayedza mukusimudzira chidzidzo cheShona,” vanodaro.

Mai Madzokere vanoti pachikoro pavo pakadzidza vanhu vakawanda vave nemukurumbira nhasi uno avo vanosanganisira magweta, madhokotera neshasha dzemitambo yakasiyana.

“Tine shasha dzebasket ball idzo dzave kutambira kunze kwenyika dzakabva pano dzinoti Patrick Nhamburo ari kuCanada naLevy Mwanza ari kuAmerica.”

Vanoti vari kufambira mberi nekuvandudza zvidzidzo zveECD kuburikidza nekuti vana vafunde vachishandisa ruzivo rwechizvino-zvino nemakombiyuta pamwe nemabasa emawoko.

“Kufundisa vana mabasa emawoko kunobatsira kuti vazogona kuzvishandira mushure mekupedza chikoro. Tine zvakare bhazi rechikoro rinobatsira vadzidzi apo vanoenda kunokwikwidza mumitambo yakasiyana kana pakushanyira nzvimbo dzinoyevedza.

“Zvimbuzi zvedu nedzimba dzekudzidzira takaisa matiles senzira yekuchengetedza utano. Vana vanofanira kugara pakatsvinda uye takatenga jenareta rinotibatsira panguva inoenda magetsi,” vanodaro Mai Madzokere.

Pamusoro peizvi, vanoti vakacheresa zvibhorani zviviri zvinobatsira kuti vawane mvura yakachena nguva dzose.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>