Glow yarambira nemukombe

18 Jan, 2024 - 12:01 0 Views
Glow yarambira nemukombe Glow Petroleum Queens

Kwayedza

Abel Ndooka

CHIKWATA cheGlow Petroleum Queens chakarambira nemukombe weRainbow Netball League (RANL) izvo zvakachiona chichiuhwina kechitatu kakatevedzana.

Svondo radarika, Glow Petroleum Queens yakahwiniswa mubairo weUS$6 000 pamwe chete nemukombe uyo ichachengetedza zvachose sezvo mwaka wa2023 wakaona chikwata ichi chichihwina mukombe uyu kechitatu kakatevedzana (hatrick). Mitemo yemitambo yakasiyana inoti chikwata chikahwina mukombe weligi makore matatu akatevedzana chinobva chaupihwa kuti chichengete zvachose uye ligi rinenge rave kutogadzirisa mukombe mutsva.

Pamabiko akaitwa kuBorrowdale muHarare svondo radarika akarongwa neRANL, zvakaziviswa kuti Glow Petroleum Queens yave kuenda nemukombe uyu zvachose.

Chikwata chaPerpetua Siyachitema gore radarika chakanyora nhoroondo apo chakapedza mwaka wese chisina kumbokundwa.

Izvi zvakachiona chichipedza chiri pamusoro pezvikwata zvinosanganisira Correctional Queens iyo yaive pechipiri neZRP Mambas yakapedza iri pechitatu.

Siyachitema ndiye akahwina mubairo waCoach of the Year uyo ave nemakore matatu achingohwina zvekare. Nerimwe divi, vatambi veGlow vanoti Christine Kadandara akahwina mubairo weGolden Hand naBarbra Lodi uyo akahwina wePlayers’ Player of the Year.

Vamwe vatambi vakahwina pamabiko eRANL vanosanganisira mutambi weTenax Chido Nenhunzi naPanashe Taruwedzera weSweet Valley avo vese vakahwina mubairo wePlayer of the Season vakabatana, kuchiti Taruwedzera akahwina zvekare mubairo weRookie of the Year.

Mutambi weMambas Queens – Priscilla Gatsi – akahwina mubairo wePeople’s Choice apo chikwata cheHaven Net Stars chakahwiniswa mubairo weMost Disciplined Team.

Mwaka weRANL wa2024 uri kutarisirwa kutanga munguva pfupi inotevera.

Munyori mukuru weRANL – Moses Gukurume – anoti gadziriro dzekutanga kwemwaka mutsva dzave padanho repamusoro.

“Gadziriro dzedu dziri kufamba zvakanaka uye gore rino chinhu chikuru chatiri kukoshesa inyaya yekunyoresa vatambi.

“Hatidi kusangana nenyaya yekuti mutambi anotambira zvikwata zvakasiyana mumaligi akasiyana izvo zvinosvibisa mutambo wedu saka gore rino tiri kuzvigadzirisa,” anodaro Gukumure.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>