Uncategorized

‘gochi-gochi’ yenyama yemazizi

20 Feb, 2018 - 12:02 0 Views
‘gochi-gochi’ yenyama yemazizi Sniper akabata mazizi

Kwayedza

Kingstone Mapupu
ZVISINEI nekuti vamwe vanhu havanzwe zvakanaka kuva pedyo nemazizi – kunyanya zvekusvika pakudya nyama yacho – nekuda kwekuti anonzi anodyidzana nevaroyi, pane varume vanotandara vachinwa doro panzvimbo yemabhizinesi yekuGlen View 1, muHarare, vari kunzi vakaita “party” yenyama yeshiri idzi nguva pfupi yadarika.

Mazizi akadyiwa nevanhu ava anonzi ainge abatwa murimwe bhawa rine mukurumbira reko.

Chikwata chevarume ava chinonzi chaitungamirirwa naHarmony Bond naSydney Sniper, avo vanonzi vakabata mazizi maviri ayo avakazouraya, ndokugocha nyama yacho, iyo yavakazodya nezvimwe zvidhakwa.

Bond – uyo akasvikirwa neKwayedza ari pabasa pake apo anoshanda murimwe siraha (bhucha) riri panzvimbo iyi – anotsinhira kuti vakadya nyama yemazizi neshamwari yake Sniper nevamwewo. Zvisinei, anotsenga-tsenga mukanwa achiti mazizi avakadya haasiriwo anozivikanwa neruzhinji.

“Nyaya yenyu yakanaka mukoma (kureva munyori uno), ichokwadi takadya shiri, kwete mazizi. Takadya ini naSniper nevamwewo, nyama yacho yaifamba zvikuru seimwe yatinodya.

“Haasi mazizi aye anozivikanwa – aya anonzi ‘mazizi mbolly’ asinganyanye kuwanikwa muno,” anodaro Bond.

“Mukoma ndiri pabasa tingadai tataura asi onai muRungu wangu auya, ndinoda kuita basa. Tine shiri dzatakauraya tikadya kwete mazizi sekutaura kwevanhu,” anodaro.

Murume uyu akabva apinda mubasa make asati atsanangudza zvakawanda.

Bond naSniper vose vanoshanda zvinova zvakashamisa vagari venzvimbo iyi kuti sei vakadya nyama yemazizi ivo vachikwanisa kuzvitengera yavo nyama kana vaiva vabatwa nenhomba.

Sniper – uyo anonzi ndiye akabata mazizi aya mubhawa – haana kuonekwa sezvo pakashanyirwa nzvimbo iyi ainzi aive kubasa kwake kuimwe kambani inogadzira zvinwiwa. Bond akaudza Kwayedza kuti Sniper aiva kubasa ndokuti anoonekwa bedzi mazuva eMugovera neSvondo uye haana nharembozha.

Mumwe wevanhu vanoshandira panzvimbo yemabhizinesi iyi, VaShepherd Kadirire (50), vanoti Bond naSniper ndovo vakatanga kudya nyama yemazizi iyi, vamwe ndokuzoshwaudzawo mukanwa.

“Chinoshamisa ndechekuti vanhu vakabata mazizi ava vanoshanda, vanowana mari yekutenga nyama. Munyaya iyi tinoti kumadzimai kumba uko ngavabikire varume vavo vasati vauya kubhawa nekuti izvi zvinoratidza kuti varume ava vaiva nenzara,” vanodaro VaKadirire.

VaJimson Ndezha (40) vanotsinhirawo vachiti zvinonyadzisa kuti varume vakuru vanogara pasi kuundura nekuzogocha nyama yemazizi.

“Mazizi aya akabatwa mubhawa ratinonwira pano, akabuda muceiling ndokunomhara paterevhizheni apo maiva makazara vanhu vachiona bhora. Akarohwa ndokuzobatwa nevanhu vaivamo apo akazotorwa naBond naSniper.

“Vakatoisa nyama yacho mhiripiri ndokudya,” vanodaro VaNdezha. Gidza Edwin (44) anoti zvakaitwa nevarume ava zvinoratidza kuruta.

“Sniper naBond ndivo vakabata nekuuraya mazizi aya vakaaundura ndokuzobvisa misoro nemakumbo acho vakarasa, apo vakazonogochera pabraai stand yepane rimwe bhawa. Vakadya nyama yacho vaiti ine oil yakawanda kudarika yenguruve. Vamwewo vakadya nyama yemazizi vasingazive,” anodaro Edwin.

Mumwewo asingade kudura zita rake rizere asi anongozviti George, anoti nyama iyi yakatobvubvudzanwa nezvidhakwa.

“Kune vamwe vakadya vasingazive. Isu tinoziva kuti mazizi anoshanda nevaroyi, zvino vanhu vakadya nyama iyi havagume vobatwa nemashavi ehuroyi here?” anodaro George.

Imwe nyaya iri kunetsa ndeyekuti sei mazizi aya asina kutya kubuda muceiling yemubhawa maiva muzere vanhu achinomhara pamusoro peterevhizheni? Nyanzvi munyaya dzezvechivanhu, Sekuru Elisha Mutanga, vanoti mazizi anofambidzana nezvakaipa uye kazhinji akachema, mumusha munoitika chakaipa.

“Zizi harifanirwe kudyiwa kuburikidza nemabasa aro akaipa. Onai rinodya nyoka, madzvinyu, matatya nezvimwe zvisina kukodzera,” vanodaro Sekuru Mutanga.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>