Uncategorized

Gokwe: Vana voroodzwa

03 Sep, 2020 - 09:09 0 Views
Gokwe: Vana  voroodzwa Mambo Njelele

Kwayedza

Kingstone Mapupu

Madzimambo ekuGokwe, kudunhu reMidlands, vanoti vari kushushikana zvikuru nenyaya dzekuroodzwa kwevanasikana vasati vabva zera panguva ino apo nyika yakatarisana nekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

VaMisheck Njelele (54) – avo vanova Mambo Njelele – vanoti vari kutambudzwa zvikuru nekuwanda kuri kuita vanasikana vari kuroodzwa vachiri vaduku mudunhu ravo.

“Taita dambudziko guru kuno kuGokwe, rekuroodzwa kwevana panguva ino yekuti vanhu vakagara kudzimba semutemo wakadzikwa neHurumende pakurwisa denda reCovid-19,” vanodaro Mambo Njelele.

Vanoti izvi zvaona kuwanda kwenyaya dzekumbunyikidzwa kwevana mudzimba.

“Mudunhu rangu ndakagara ndiine sangano rinorwisana nekuroodzwa kwevasikana vasati vabva zera rinodaidzwa kuti ‘Mambo Njelele Teenage and Girl Child Protection Organ’, iro ndinotungamirira sasachigaro uyewo vadzimai vangu vari kudivi revanasikana. Sangano iri takariumba mugore ra2015 taona kuroodzwa kwevana kwanyanya,” vanodaro Mambo Njelele.

Mudzimai wavo, Mai Virginia, vanonzi vari kushingaira mukurwisana nekuroodzwa kwevanasikana vasati vabva zera.

Mambo Njelele vanoti vari kushanda nemasangano akasiyana mudunhu ravo anosanganisira Musasa Project neShamwari yeMwanasikana kurwisa nyaya dzekuroodzwa kwevanasikana.

“Tiri kushanda nemasabhuku ose emuno nenhengo dzeParamende, makanzura, vemachechi, vadzidzisi, vemabhizimisi nevamwe. Vabereki vatinongonzwa kuti varoodza mwana mudiki nevaroora vacho tinovashevedza kudare tovatonga nekuvaripisa zvakasimba tozovaendesa kumapurisa,” vanodaro Mambo Njelele.

Mai Njelele vanonzi vari kufamba vachisarudza vatungamiri vevanasikana mumisha avo vanomirira kuona mafambiro evamwe vavo.

“Vanakomana nevasikana avo vagere kudzimba sezvo vakambomiswa kuenda kuchikoro, vose tiri kutaura navo kuti kugara kudzimba hakuvape mukana wekudanana nekuita misikanzwa. Vanhurume nedzimwe hama tiri kuvapa dzidziso yekuti mwana mwana, regai dzive shiri mazai haana muto, kureva kuti ngavarege vana vakure.”

Mambo Chireya

Mambo Njelele vanoenderera mberi vachiti, “Tinokurudzira vabereki nedzimwe hama kuti vavake dzimba dzinokwanira mhuri dzavo kwete kuti vanasikana nevanakomana vanorara muimba imwe chete.”

Mambo Chireya VaHenry Chidzivo (55) vekudunhu rimwe chete iri vanotsinhirawo nyaya dzekuroodzwa kwevanasikana vasati vabva zera idzo dzavanoti dzawanda kuGokwe.

“Vana vapera kuroodzwa kuno izvo takaita chisungo semadzishe kuti tirwisane nehonye yapinda muno. Tiri kuvatonga tovaripisa kubva kune varoodza mwana nevaroora tozovaendesa kumapurisa. Tapota zvedu, apo tiripo kurwisana nedenda reCovid-19 mhan’arai nyaya dzose dzekuroodzwa kwevana,” vanodaro Mambo Chireya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey