Gorimbo orumbidzwa

08 Feb, 2024 - 19:02 0 Views
Gorimbo orumbidzwa Themba Gorimbo

Kwayedza

Abel Ndooka

SHASHA yewrestling nemafirimu – Dwayne ‘The Rock’ Johnson – naIsrael Adesanya nyanzvi yeMixed Martial Arts vakapembera kukunda kwakaita Themba ‘The Answer’ Gorimbo uyo akahwina mutambo wake weUltimate Fighting Championship.

Svondo radarika, Gorimbo, uyo anokwikwidza muboka rewelterweight, akakunda Pete ‘Dead Game’ Rodriguez mumasekonzi 32 muchikamu chekutanga chemutambo wavo pamutambo weUFC Fight Night kuLas Vegas.

Kuhwina kwaakaita kwakaona pasi rese richipembera kukunda kwake sezvo rwendo rwafambwa naGorimbo kuti agosvika kuUFC rwainge rwakaoma zvikuru izvo zvakabata vazhinji kusanganisira The Rock uyo gore radarika akamutengera imba kuUnited States of America.

Achinyora padandemutande, The Rock akakorokotedza Gorimbo achiti: “Kuhwina kukuru mukoma wangu. Tese tinodada newe. Ramba uchikwira gomo iroro uchikurudzira vamwe vese nezvakanaka paunenge uchisimuka.

“Makorokoto kwauri, varairidzi vako nechikwata chako. Ndinokuda kuchaizvo.”

The Rock

Kubva The Rock paakatengera Gorimbo imba gore radarika, vaviri ava vakabva vavaka hukama hwekuti vanogara vachiridzirana nhare vachikurudzirana mune zvakanaka izvo zvakaona Gorimbo achitumirwa mashoko ekurudziro asati apinda mumutambo wake naRodriguez.

Kuchiti shasha yeUFC ine mukurumbira pasi rese, Adesanya, mumazuva Gorimbo asati apinda mumutambo wake naRodriguez akabuda pakavhidhiyo kaitenderera padandemutande apo aiimba achishevedzera zita raGorimbo achiti:

“Themba Gorimbo, Black Mamba Gorimbo, Themba Gorimbo . . Ogah varakidze, unakidzwe hanti uvarakidze, tinewe, ndinokuda mukoma wangu,” anodaro Adesanya.

Israel Adesanya

Zvichitevera kuhwina kwaakaita mutambo wake, Gorimbo akatsidza kuti nhumbi dzaainge akapfeka pamutambo uyu pamwe chete nemagirovhosi ari kuzvitengesa kuti aunganidze mari yekuvakisa library kumusha kwake kwaanobva.

Kubva Gorimbo akatanga kukwikwidza kuUFC, shasha iyi yakwanisa kutamba mitambo mitatu izvo zvamuona achihwina miviri nekukundwa mumwechete.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>