Gumbo adzingwa basa kuBotswana

08 Dec, 2022 - 16:12 0 Views
Gumbo adzingwa basa kuBotswana Rahman Gumbo

Kwayedza

Ricky Zililo

CHIKWATA cheSua Flamingoes chekuBotswana chadzinga basa murairidzi wacho Rahman Gumbo zvichitevera kusatamba zvinogutsa kwachange chichiita.

Kukundwa kwakaita chikwata ichi 3-2 svondo radarika neEleven Angels, izvo zvakaona chichigara pechi15 palogo chiine zvibodzwa zvitatu chete kubva pa18 zvachaigona kuwana, zvatuma Sua Flamingoes kudzinga basa murairidzi wemuZimbabwe uyu.

Sua Flamingoes, iyo iri kutamba muPremiership mumwaka wayo wechipiri, yakazivisa nezvekudzinga kwayakaita Gumbo nemusi weChipiri.

“Sua Flamingoes FC inozivisa vatsigiri vedu vakatikoshera, vane chekuita nechikwata chedu, vatori venhau nemhuri yese yenhabvu kuti taparadzana nemurairidzi wedu Rahman Allen Gumbo.

“Chikwata chinotora mukana uno kutenda Gumbo nebasa raakaita mukukura kwechikwata chedu izvo zvakamboona chichipedza chiri pechisere mwaka wadarika mumwaka wedu wekutanga muElite league,” chinodaro chikwata ichi muchinyorwa.

Kopane Phakedi ndiye ambofanogadzwa kuti arairidze chikwata ichi.

Zvange zvichimomotera Gumbo uyo chikwata chake chakakundwa mitambo mishanu yachatamba mwaka uno wa2022/23 uye changokwanisa kuhwina mumwe chete apo chakakunda Morupole Wanderers 1-0.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>