Uncategorized

Gumbo regarwe rine chuma puu pamusha

15 Jul, 2016 - 00:07 0 Views
Gumbo regarwe  rine chuma puu pamusha

Kwayedza

 ‘Tinombomuka chivanze chizere netsvina yevanhu’

Chiwoko ichi chainge chakashongedzwa nechuma chichena, chitsvuku, chitema necheyellow.CHINHU chinenge gumbo kana kuti chiwoko chegarwe kana chemupurwa, icho chaifema chichifamba-famba, chakafuma chakakandwa nemunhu asina kuzivikanwa pamba pevamwe vanamuzvinabhizimisi mumusha weMainway Meadows, kuWaterfalls, muHarare.

Varidzi vepamba apa vanoti musikana wavo webasa akamuka mangwanani achida kutsvaira pachivanze apo akasangana nemashura aya.

Izvi zvakaita musi weChishanu pamba peshoroma idzi, VaSolomon Sanyamandwe (43) naMai Whisler Sanyamandwe (33), avo vanogara mumugwagwa waMasocha Ndlovu.

“Taona musikana odzoka mumba achimhanya ndokungosvikoti bherengende achifemuruka achiti aona chinhu chinotyisa. Baba vanga vamukawo vachida kuperekedza vana kuchikoro.

“Tazoona chiwoko chinoita sechegarwe ichi, kuda kuita sechegudo kana mupurwa uye chichifamba. Hapana asina kutya, munhu wose atizira mumba,” vanodaro Mai Sanyamandwe.

Vemhuri iyi vakazoshevedza Prophet Sham Hungwe vechechi yeHouse of Grace Intenational Ministries kuti vavabatsire.

Mutori wenhau uno paakasvika pamba apa akatambirwa negutukutu rekunhuhwa kwaikachidza zvikuru kwaibva muchinhu ichi chichiita sekunge chakawora.

Prophet Hungwe vachipisa chiwoko chegarwe. — Mifananidzo: Kingstone Mapupu

Prophet Hungwe vachipisa chiwoko chegarwe. — Mifananidzo: Kingstone Mapupu

VaSanyamandwe vakawanikwa vasipo.

“Pataona chiwoko ichi charatidza kuva chinyoro chaicho sechemhuka ichangobva kufa kana kuti mhenyu. Tazoshevedza prophet ava mushure mekumboisa sauti yemagodo kuti chipere simba sezvatinonzwa zvichitaurwa asi changa chichingofamba mukati mesauti iyoyo,” vakadaro Mai Sanyamandwe.

Vanoti pamba pavo pave kutotyisa nekuda kwechiitiko ichi.

“Dambudziko redu rakatanga kare, pamba pano hapararike. Panouya mazikatsi anochema sevanhu achidavirana akakomberedza musha. Nhasi tazoona chiwoko ichi, hatizive kuti chaiswa nani, pamwe varoyi here hamheno. Murume wangu ane makambani eEngineering ayo ari kubhuroka uye iniwo ndinoita zvemahair saloons zviri kubhuroka zvakare,” vanodaro.

Mai Sanyamandwe vanoti vari kushaya mari mumba zvose nekubasa kwenguva yakareba pasina wavanoona achiitora, izvo vanoti zvinonzi nevemweya inotorwa nemishonga.

“Kambani yemurume wangu yekugadzira maplastic tanks nezvigubhu yakabhuroka zvisinganzwisisike, ranguwo bhizimusi radzikira zvikuru.”

Mai Sanyamandwe vanoti zvakare pamba pavo panogona kufuma pakaitirwa tsvina musha wose izvo zvavanoti havazive kuti inoitwa nei.

“Pamisiwo yedzimba dzedu unogona kuwana pakaitirwa tsvina nyoro mangwanani, tinozongobvisa,” vanodaro.

Apo Prophet Hungwe vairwisana nechiwoko ichi, chaizvonyongoka segonye apo chaidirwa mafuta eannointing oil chichiburitsa mweya wainhuhwa.

Prophet Hungwe vanoti chiwoko ichi chikwambo kana kuti dumwa rakaiswa mushonga wakaipa unogona kupengesa kana kuuraya vemhuri iyi zvishoma nezvishoma kudzimara vapera kana kuvaita marombe.

“Aya mabasa evavengi vane godo nekuda kwekubudirira kwemhuri iyi. Tarisai muone mabhizimisi avo vose murume nemukadzi ari kudzikira. Vanoda kunzi vasare vasina kana chinhu voguma vatengesa motokari dzose nedzimba voita marombe,” vanodaro Prophet Hungwe.

Vanoti mhando yemishonga yakadai inowanzoshandiswa neropa revanhu kana ivhu rinenge ratorwa kumakuva.

“Mhuri iri pano inoshanda siku nesikati kuti mabhizimisi avo aenderere mberi asi mari yavo inotorwa nezvikwambo izvi.”

Prophet Hungwe vakapisa chiwoko ichi mushure mekuita chipo cheawa vachinetsana nacho.

Sekuru Bonface Katerere vekuUzumba vanoti chinhu ichi chinogona kunge chakagadzirwawo nemitezo yemhuka iyo inoshandiswa mumabasa ekuroya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>