Hadebe adzoka kuTurkey

15 Feb, 2024 - 21:02 0 Views
Hadebe adzoka kuTurkey Teenage Hadebe

Kwayedza

Abel Ndooka

MUTAMBI wemaWarriors – Teenage Hadebe – svondo radarika akatengwa nechikwata cheKonyaspor Kulubu icho chinotambira nhabvu yacho kunyika yeTurkey zvichitevera kubva kwaakaita kuHouston Dynamo yekuUnited States of America.

Hadebe ange ave nemakore matatu achitambira nhabvu yake kuAmerica kuMajor Soccer League (MLS).
Asi zvichitevera kupera kwakaita mwaka weMLS gore radarika munaZvita apo pakaperawo kondirakiti yake kuHouston Dynamos, Hadebe akabva abuda pachena kuti akange ave kubva kuchikwata ichi.

Panguva iyi akanyora padandemutande kuti: “Kuve muchikwata chino kwange kuzere nemufaro chete. Kuhwina kwese kwatange tichiita nenguva dzinofadza dzatange tichive nadzo, uku ndiko kuwonekedzana nechikwata ichi nekupera kwemwaka weHouston Dynamos nevarairidzi, Ted, Pat, Asher nechikwata chetechnical ndinokutendai nekuvimba neni uye ndichagara ndine kutenda kukuru.

“Kumhuri yangu, vandaitamba navo nhabvu muchikwata chedu, vatsigiri, rutsigiro rwenyu ndinokutendai.”

Vatsigiri vazhinji venhabvu vekuTurkey vanoziva Hadebe panguva iyo aimbotambira chikwata cheYeni Malatyaspor kwemwaka miviri asati azoenda kuMLS. Ari kuYeni Malatyaspor, Hadebe akatamba nhabvu inonwisa mvura izvo zvakamuona achisarudzwa kupinda muchikwata cheTurkish Super League Team of the Season mugore ra2020.

Kudzoka kwaaita kuTurkey neKonyaspor, Hadebe ari kufanirwa kubatsira chikwata ichi, icho chiri kutatarika zvikuru muTurkish Super League, kuti chisaburitswe muligi iri pakupera kwemwaka uno.

Palog rekuTurkey iro rine zvikwata 20, Konyaspor yakagara pe19 iine zvibodzwa 25 kubva pamitambo 25 yayatamba.

Jordan Zemura

Pavamwe vatambi vemaWarriors vari kuEurope, Zemura akatamba maminitsi 66 apo chikwata chake cheUdinese chakakatyamadza vatsigiri venhabvu nekukunda Juventus 1-0 musi weMuvhuro kuAllianz Stadium, nhandare yeThe Old Lady (Juventus).

Jordan Zemura ari kuruboshwe

Zemura akatanga arimo mumutambo uyu akazoburitswa watambwa maminitsi 66 achitsiviwa naFesty Obosele apo Udinese yainge yakatungamira 1-0.

Udinese yakapedzisira kukunda Juventus mugore ra2020 apo yakakunda The Old Lady 2-1 kunhandare yeBluenergy Stadium iyo inoshandiswa nechikwata ichi.

Tino Kadewere

KuFrance, Kadewere akanwisa musi weSvondo apo akabatsira chikwata chake cheNantes kukunda Toulouse 2-1 kunhandare yeStadium de Toulouse inova yeToulouse.

Tino Kadewere

Aka kaive kekutanga Kadewere achinwisa kuchikwata chake chitsva ichi mumitambo yeLigue 1 zvichitevera kuenda kwaakaita nechikwereti achibva kuOlympique Lyon.

Pari zvino Kadewere atamba mitambo mina yeNantes yeLigue 1.

Marshall Munetsi

Kunyika yeFrance zvekare, chikwata chaMunetsi cheStade de Reims zvinhu hazvisi kunyatsofamba zvakanaka zvichitevera kukundwa kwavakaitwa 2-0 neLorient. Munetsi akatamba mutambo wese uyu asi ndokutadza kubatsira chikwata chake kuhwina.

Marshall Munetsi

Pari zvino Reims yave nemitambo mina ichitadza kuhwina izvo zvaiona ichikundwa mitatu nekuita mangange mumwe chete.

KuBelgium, Bill Antonio naMunashe Garananga vakatamba vese kekutanga vachitanga mutambo wechikwata chavo cheMechelen apo chakaita mangange 1-1 neGenk mumutambo weBelgian Pro League uyo wakatambwa musi weSvondo wadarika.

Mumasvondo adarika, Antonio ange ave kurakidza kukosha kwake kuMechelen zvichitevera kunwisa kwaange achiita izvo zvave kumuona achitangiswa mitambo yechikwata ichi, kuchiti Garananga achangobva kutengwa neMechelen kubva kuSheriff Tiraspol yekuMoldova.

KuEngland, Brendan Galloway akatamba mutambo wese apo chikwata chake chePlymouth Argyle chakakundwa 3-1 neSunderland mumutambo weEnglish Championship.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>