Hakuna kwatiri kuenda nenhabvu: Msiska

25 Oct, 2022 - 15:10 0 Views
Hakuna kwatiri kuenda nenhabvu: Msiska Brenna Msiska aina George Chigova, Elvis Chipezese naEdmore Sibanda

Kwayedza

Abel Ndooka

MUCHINDA wekumbonetsa mumutambo wenhabvu, Brenna “Baba Gari” Msiska, anoti mazuva ano akagara zvake kumba uye ari kungotamba “yese-yese” kuti akwanise kuraramisa mhuri yake.

Baba Gari anotiwo kuti nhabvu yemuno isimukire, inofanirwa kutorwa sebhizimusi.

Msiska kubva paakasiya basa rekurairidza kuchikwata chenyika chemaWarriors mugore ra2019 apo aive mumwe wevatevedzeri vaSunday “Mhofu” Chidzambwa, haana kuzomboshanda zvekare munhabvu muno kana kunze kwenyika.

Muhurukuro neKwayedza, Baba Gari anoti ave nenguva akagara kumba uye izvi zvakawedzerwa nekuuya kwakazoita chirwere cheCovid-19.

“Covid-19 yakatidzorera kumashure zvakanyanya nekuti kuuya kwedenda iri kwakaona vanhu vakawanda vachifa. Saka ini ndakazongoti zviri nani ndimbogara hangu kumba ndichiona kuti ndoita sei uye ndotsvaga mamwe mabasa ekuita ekuraramisa mhuri.

“Chikuru kuti mhuri yangu iwane chekudya saka pakangomuka chero basa ndinotoenda ndichimhanya.

“Chimwezve, inyaya yekuti hakuna mabasa acho, tose hatingarairidze zvikwata zvimwe chete saka tomboonawo vamwe vachishanda,” anodaro Msiska.

Anoti nhabvu yemuno haisi kumbonakidza uye hakuna kwairi kuenda kana zvikwata zvikasakoshesa kubika vatambi vechidiki.

Zvikwata zvose zvinokwikwidza muPremier Soccer League, anodaro Msiska, ngazvisungirwe kuti zvinofanirwa kuve zvine zvikwata zvevechidiki.

“Nhabvu yedu haisi kunakidza nekuti hatingarambe tichingoona vatambi vamwe chete ivavo gore negore pasina vatsva vechidiki vari kubikwa.

“Saka iniwo ndinotogona kudzoka ndototi ndave kutodawo kutamba nekuti zvikwata zvinoramba zvichingotenderedza vatambi vamwe chete vave nemakore akawanda vachingotamba pasina kwavari kuenda.

“Dambudziko randakaona nderekuti zvikwata zvemuno zvinotambira kuhwina mukombe chete, zvisingatarire remangwana. Remangwana riri mune vechidiki, ngatidire mari mukubika vechidiki ava uye tikavabika, tovapa mukana wekuti vatambe.

“Vechidiki ndivo vane yese, ndipo pane mari yese. Pakanyatsobikwa vechidiki chaizvo unotoona kuti mari inouya nekuti vanokwanisika kutengeseka kunze kwenyika sekuEurope nekumwe.

“Zvino mutambi ave nemakore anodarika 10 achingotamba nhabvu muno munomutengesa kupi iye atochembera? Ngatitore nhabvu sebhizimisi, tiite mari zvikwata zvedu zvirambe zvichikura.”

Msiska anoti chimwe chiri kudzorera nhabvu yemuno kumashure kushaikwa kwenhandare yepamusoro inosvika padanho rinotenderwa neCAF neFIFA sezvo nhandare zhinji dzemuno dzakatadza kusvika padanho iri.

“Ini ndakatambira nhabvu mugwenga chairo saka toti vatambi vemazuva ano vatambire imomo zvekare here? Ngatikoshese basa rekuvandudza nhabvu yedu kuitira kuti ikure uye isimukire,” anodaro.

Msiska mumwe wevabati vepagedhi vakaita mukurumbira.

Panguva yake, aikwikwidzana nevamwe vabati vepagedhi vanosanganisira Japhet Mparutsa, Peter Nkomo naPeter Fanwell.

Msiska akashanda ari mutevedzeri waChidzambwa kumaWarriors, vakaenda vose kumitambo weAfrica Cup of Nations kaviri mugore ra2004 na2019 uye vakahwina mikombe yeCosafa Cup ine chitsama.

Vatsigiri venhabvu vazhinji vanoziva Msiska achinzi Baba Gari, asi vasinganyatsoziva nhoroondo yekuti zvakatanga sei.

Anoti zita remadunhurirwa iri rakatanga kupfumbira panguva iyo aitambira maWarriors achirairidzwa naReinhard Fabisch uyo aifarira hunhu hwake hwekuremekedza vanhu vakawanda.

Anoti pavaive mukembi, Fabisch akamubvunza zita remwanakomana wake, akamuudza kuti anonzi Gari “saka Mercedes ‘Rambo’ Sibanda akabva atanga kundishevedza kuti Father of G”.

Anoti Fabisch, Rambo naBruce Grobblear ndivo vakatanga kumushevedza kuti “Father of G” vamwe vachimuti Baba Gari kusvika ratozopfumbira kuchikwata chake cheCAPS United.

“Mwanakomana wangu mukuru anonzi Gari Wilfred Msiska, saka ini ndiri munhu ane rukudzo. Panguva yaFabisch pandaitambira maWarriors, akafarira hunhu hwangu akanditi iwe ndinoda kukushevedza nezita remwanakomana wako, ndikamuudza kuti anonzi Gari saka Rambo akabva apindirawo ndokuti anonzi ‘Father of G’ kureva kuti Baba Gari, zvakabva zvatopfumbira.

“KuCAPS United vange vakutonditi Baba Gari, ndikaenda kuBulawayo vanondishevedza vachiti uBaba kaGari.”

Msiska anoenderera mberi achiti: “Pandakange ndave kusiya magirovhosi angu kuCAPS United, ndakasiira George Mudiwa nyanga dzacho saka vatsigiri vakange vave kuti George ndiye Gari wacho uye atsiva baba vake pagedhi reKepe-kepe.”

Msika akazvarirwa muZimbabwe asi kumusha achibva kuMalawi uye anoyera Shiri, ndivana Hungwe.

“Ndiri muyera shiri iya ine mukurumbira wekubata hove iri mudenga-denga ine ziso rinoona chaizvo, ndizvo zvimwe zvaiita kuti ndione mabhora ndichiabata kunge ndakasvikirwa,” anodaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>