Uncategorized

‘Handina hiv ini’

30 Jun, 2017 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu —
MUKOMANA wekupfimba musikana ndokurambwa ava kuchema-chema achiti chimhandara ichi chiri kufamba chichitaurira vanhu kuti akamuramba nekuti ane HIV, izvo zvaanoti zvava kumurwadza sezvo asina utachiona uhu.

Tambu Nambale akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court mushure mekunge amhan’arirwa naMillicent Gawaza achiti ari kumushungurudza.

Gawaza anoti Nambale ari kumuonesa pfumvu nekuda kwekuti akamupfimba iye ndokumuramba.

“Changamire, ndaunza mukomana uyu kudare kuno nekuti ndava kutotadza kufamba, anenge achingonditevera kwese kwandaenda nekundityisidzira achiti anoda kundiuraya,” anodaro Gawaza.

Anoenderera mberi achiti Nambale akamupfimba asi akamuramba saka ave kumushungurudza pose paanomuona.

“Akandipfimba ndikamuramba asi iye haana kugutsikana, saka pese paandionera anenge achingoti ari kuda nhamba dzangu dzefoni ndikasamupa anotanga kupopota nekundinyadzisa pane vanhu,” anodaro.

Gawaza anoti ava kutotya kufamba munharaunda nekusara ega pamba pavo nekuda kwemaitiro aNambale.

“Ndinototya kufamba muraini nekuti ndinogona kusangana naye, kana kumba kwedu ndinotya kusara ndega nekuti anokuziva. Tinogara padhuze nepadhuze uye akatombouya kumba kwedu akaita ruzha rusingaite,” anodaro Gawaza.

Nambale anoudza dare kuti haasi kushungurudza Gawaza asi kuti ndiye ari kufamba achitaura zvisina basa pamusoro pake.

“Handimushungurudze, handimutevere kana kumupopotera asi sevanhu vanogara muraini mumwe chete, tinogona kusangana saka kuti ndimunyararire zvinonetsa,” anodaro. Anoenderera mberi achiti: “Iye ndiye ari kutotaura zvisina basa pamusoro pangu achiudza vanhu zvekunyepa zvekuti ndava kutotadza kufamba nekunyara.”

Nambale anoti ichokwadi kuti akambopfimba Gawaza akarambwa uye akazvitambira asi ava kufamba achiudza vanhu kuti ane HIV ndokusaka akamuramba, izvo zvava kuita kuti ashaye mufaro munharaunda.

“Kumupfimba ndakamupfimba akandiramba, ini ndikazvigamuchira. Asi iye ava kufamba achiudza vanhu kuti akandiramba nekuti ndine HIV asi ini ndisina. Ndatouya nemaresults acho kuti aone.

“Ndava kutoshaya mufaro muraini nekuda kwemashoko ake zvekuti ndini ndaifanirwa kuve ndauya naye kuno,” anodaro Nambale.

Mutongi Amanda Muridzo akapa Gawaza gwaro rerunyararo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>