Handisati ndapera: Norman Maroto

13 Feb, 2015 - 09:02 0 Views
Handisati ndapera: Norman Maroto

Kwayedza

Abel Ndooka
MUTAMBI wenhabvu akamboita mukurumbira, Norman Maroto, anoti haasati apera uye ari mushishi kutsvaga chimwe chikwata chekutambira gore rino zvichitevera kubva kwaakaita kuChiredzi FC iyo yaaitambira mwaka wadarika.

Maroto (31) akabva kuChiredzi zvichitevera kuburitswa kwayakaitwa muPremier Soccer League uye kondirakiti yake haina kuzowedzerwa nechikwata ichi icho chakazenge chave nenyonga-nyonga zvichitevera makakatanwa nemurairidzi wacho Moses ‘Bambo’ Chunga.

Mutambi uyu ave nemakore 14 achitamba nhabvu muPSL uye akwanisa kutambira zvimwe zvikwata zvakaita seDynamos FC, Gunners FC, Motor Action FC neFC Platinum.

Muchinda uyu akatanga kuita mukurumbira achitambira muligi iri kubvira mugore ra2000.

Maroto paakatanga kutamba nhabvu aive muchikwata cheDynamos chakanetsa zvikuru kusvika apo akange ave kuzivikanwa nezita remadunhuriwa rekuti Kidznet.

Panguva iyi akatamba nevatambi vakaita saSamson Choruwa pamwe naEddie Mashiri uye murairidzi wavo aive Chunga.

Kunyangwe hake achovha nguva refu ari mumutambo uyu, Maroto anoti achiri kunzwa manyuku-nyuku ekuda kuramba achitamba nhabvu yemhando yepamusoro.

Mugore ra2010, Maroto akahwina mubairo weGolden Boot apo akanwisa ka25 muligi izvo zvisati zvazombodzokorodzwa zvekare nemumwe mutambi muPSL.

“Ndichiri kunzwa manyuku-nyuku ekuda kuenderera mberi nekutamba nhabvu.

“Pari zvino ndiri kutsvaga chikwata chekutambira uye ndichiri kurukura nezvikwata zvakasiyana.

“Ndega ndiri kuzvinzwa kuti ndichiri kuda kuramba ndichitamba mutambo uyu. Ndine zvakawanda zvandinogona kuita mukusimudzira nhabvu zvakafanana nekudzidzisa vechidiki.

“Ini ndiri mutambi akadzidza zvakawanda kubva kuvakuru saka zvakakosha chaizvo ndikabatsirawo vechidiki kuti vagove neramangwana rakanaka mumutambo uyu.

“Ndikaramba ndichishanda nesimba ndinovimba hangu kuti ndinogona kutamba nhabvu inodakadza seiyo yandakatamba mugore ra2010 apo ndakahwina mubairo weGolden boot pandanwisa ka25 muligi. Mwaka iwowo ndakakwanisa kunwisa ka29 mumitambo yese yandakatamba apo mimwe mina yaive yemuChampions League,” akadaro Maroto.

Kunyangwe hake achiti makumbo ake haasati aneta uye achiri kuda kuenderera mberi nekutamba nhabvu, Maroto anoti haafunge kuti achawana mukana wekunotambira kunze kwenyika sezvo mukana uyu wakamudarika kare.

Asi anoti kana akakwanisa kutamba nhabvu yepamusoro gore rino anoda chaizvo kuzotambira chikwata chenyika chemaWarriors.

Zvakadaro, anoti anozviziva kuti kutambira maWarriors hakuzi nyore sezvo mutambi anoda kupinda muchikwata ichi anotofanirwa kunge achitamba zvinonwisa mvura.

“Makore angu anenge ati fambei mbichana asi ndichiri kuda kutambira maWarriors. Ndakangomirira kana mukana wacho ukauya kwandiri.

“Ndinoziva kuti ndinofanirwa kunge ndiri muchikwata chemaWarriors uye ndichashanda nesimba kuti ndideedzwe zvekare,” akadaro.

Zvakadaro, Maroto akakurudzira vatambi vechidiki kuti vanofanirwa kuzvibata muhupenyu hwavo mumutambo uyu kana vachida kusvika kure nenhabvu.

“Vechidiki vanofanirwa kuterera kuti vakwanise kusvika patakasvikawo isu vamwe.

“Ukaterera unodzidza zvakawanda, ini ndakadzidza zvakawanda nekuterera kwandaiita. Hazvirevi kuti ndaisakanganisa, kwete, ndaitotadzawo asi ukabvuma kuterera hupenyu hwako hunokufambira zvakanaka,” akadaro Maroto.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>