Uncategorized

‘Harisi shura, zvinoitika izvi’

22 May, 2015 - 00:05 0 Views

Kwayedza

IMWE nyanzvi yekuchikamu chinoona nezvemhuka, cheVeterinary Services Department, inoti zvinogona kuitika kuti mhuka ibereke mwana ane misoro miviri uye kazhinji pakadai apa inenge ichida kuita manyambiri izvo zvinozokona nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.

Dr Chenjerai Njagu, avo vanova chiremba wemhuka zvakare vari mutevedzeri wemukuru webazi iri, vanoti zvinoitika kuti mbudzi ibereke mbudzana ine misoro miviri.

“Iyi inyaya isingatyise kana kuvhundutsa.

‘‘Hapana kana huroyi kana masaramusi sezvingafungwe nevamwe.

‘‘Chiripo bedzi ndechekuti mbudzi iyi yaida kuita vana vaviri izvo zvakazotadzika nekuda kwekukanganisika kwakaitika pakusikwa kwembudzana dzacho mudumbu,” vakadaro.

Vanoti uku kukanganisika kwakaitika pakupatsanurwa kuti mbudzi iyi iite mbudzana mbiri.

“Zvakada izvi zvinoitika munyika dzose dzepasi rino kwete muZimbabwe bedzi. Hapana chinoshamisa panyaya iyi nekuti kuvanhu tine vana matwins nevamwe vanozvarwa vakabatana avo vatinoti maconjoined twins, nekumhuka zvirikowo.”

Tsvakurudzo yakaitwa neKwayedza padandemutande inoratidza kuti kunyika yeKenya papurazi reKagaa, kunzvimbo yeKilifi, kune mbudzi yakamboberekwa iine misoro miviri, miromo miviri, nzeve mbiri, maziso matatu nemhuno mbiri.

KuIndia zvakare kune hwai yakabereka hwayana yaive nemisoro miviri, kumberi nekumashure.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>