Hatisi kutamba panyaya dzezvinodhaka: ZOC

13 Feb, 2015 - 00:02 0 Views

Kwayedza

SANGANO rinoona nezvemitambo reZimbabwe Olympic Commitee rinoti harisi kuita zvedambe nenyaya dzekushandiswa kwezvinodhaka nemishonga isingatenderwi zvichitevera kuwaniswa kwakaitwa nyika ino mari yekurwisa dambudziko iri kubva kune rimwe boka repasi pose.

Zimbabwe nguva pfupi yadarika, yakapihwa mari neveUnited Nations Educational, Scientific and Cultural Organization Fund for Elimination of Doping in Sport iyo ichashandiswa muzvirongwa zvekuvheneka vatambi kuti vaonekwe kuti havasi kushandisa zvinodhaka here pamwe nekuvadzidzisa kuti vasapinde mazviri.

Muhurukuro neKwayedza, administration officer kuZOC, Spiwe Nyamande-Kahiya, anoti chirongwa ichi chichange chiri maererano nezvinotarisirwa neveInternational Convention Against Doping in Sports pamwe nemitemo yakatarwa neveWorld Anti-Doping Code nedonzvo rekupedza kushandiswa kwezvinodhaka nevatambi.

Vakotsveri vechirongwa ichi vane shuviro yekuti vanenge vawaniswa mari iyi vatevedzere gwara rinodikanwa pakuvandudza pamwe nekudzidzisa veruzhinji kuti mhosva dzakadi dzinorevei.

“Bazi remitambo, tsika nemagariro rakati veZOC vanofanira kuronga zvine hungwaru mukuita chirongwa ichi,” akadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>